Chibuku Super Cup yotsva

Abel Ndooka    

KUNOTSVA demo kugosara mupinyu svondo rino kunhandare dzakasiyana dzenyika apo zvikwata zvemuCastle Lager Premier Soccer League zvichange zvichitatsurana mumutambo weChibuku Super Cup.Chikwata cheHarare City ndicho chakahwina mukombe uyu mwaka wadarika apo chakakunda Dynamos FC mufainari.

Kuhwina kwakaita City kwakaona chikwata ichi chichiwaniswa mukana wekukwikwidza mumitambo yeCaf Confederation Cup umo yakazoburitswa neZanaco FC yekuZambia mushure mekunge yakundwa 5-2 paaggregate.

Svondo rino, maSunshine City Boys ndiwo achavhurisa mutambo weChibuku Super Cup apo achasangana neBorder Strikers musi weChishanu kunhandare yeRufaro.

Gore rino, richange riri rechitatu mutambo weChibuku Super Cup uchitambwa.

         CAPS United vs Tsholotsho FC

Kepe-kepe parizvino iri kufemera mugotsi meFC Platinum mumitambo yePremier Soccer League.

Svondo rino, Kepe-kepe ichange iri pamusha paNational Sports Stadium apo ichasangana neTsholotsho FC.

      FC Platinum vs Chapungu

Mubvunzo wevatsigiri venhabvu vazhinji ndewekuti gore rino ringave rePlatinum here kana kuti CAPS United? Asi svondo rino zvose izvi zvichamboiswa parutivi sezvo zvikwata izvi zvichambofunga nezveChibuku Super Cup.

Platinum ichange iri pamusha apo ichasangana neChapungu United. Platinum, iyo iri kurairidzwa naNorman Mapeza, ichaedza nepainogona kudzosa mukombe weChibuku wayakahwina mugore ra2014 apo yakaita iyo yekutanga kuutora.

    Dynamos vs How Mine

Mumikombe yose yenhabvu inotambirwa muno,  DeMbare haisati yambohwina weChibuku Super Cup.

Nemusi weSvondo, kunenge kusingadanwe anonzwa kuRufaro uko DeMbare ichasangana neHow Mine.

 Highlanders vs Mutare City Rovers

Bosso iBosso yakagara mudenga rechinomwe zvichitevera kukunda kwayakaita DeMbare svondo radarika. Aka ndekekutanga kuti chikwata ichi chikundwe kaviri, kuseri nekuseri, izvo zvakapedzisira kuitika mugore ra2006.

Svondo rino Bosso iri kusangana neMutare City.

Mitambo: Chishanu

Harare City FC vs Border Strikers FC, Rufaro Stadiu

 Mugovera

Ngezi Platinum Stars FC vs Hwange FC, Baobab Stadium

FC Platinum vs Chapungu FC, Mandava Stadium

Caps United FC vs Tsholotsho FC, National Sports Stadium

ZPC Kariba FC vs Bulawayo City FC, Nyamhunga Stadium

Svondo

Dynamos FC vs How Mine FC, Rufaro Stadium

Triangle United FC vs Chicken Inn FC, Gibbo Stadium

Highlanders FC vs Mutare City Rovers FC, Barbourfields Stadium

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *