Marangwanda ndeemunhu: Mapurisa

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti mapfupa ekuwanikwa ari mudhamu rePamutengoubodzi Dam, kuMt Hampden pedyo neHarare mushure mekunge kamwana kemakore matatu ekuberekwa kabatwa nemweya ndokutungamirira mukuwanikwa kwawo, ndeemunhu asi pachiri kuitwa ongororo yekuti zvizivikanwe kuti ndeani.

Izvi zvinotevera nyaya yatakaburitsa svondo rapera pamberi yekamwana kane makore matatu ako kanonzi kakabatwa nemweya ndokutungamirira veruzhinji kuenda kwaive nemarangwanda aya, kachiti ndeemunhu akatsakatika gore rapera.

Izvi zvakaitika pakomboni yeChotsa apo marangwanda aya akazowanikwa ari mudhamu iri.

Yusuf Ndala (21) ndiye ari kufungidzirwa neveruzhinji vemunzvimbo iyi kuti marangwanda aya ndeake mushure mekunge kamwana aka kakanda dombo chaipo paive nemapfupa aya mumvura.

Kamwana aka, Junior Ndala, kanonzi kakasvika pakutozvipira kuenda kudhamu rakazowanikwa marangwanda ari kari koga kachiti ndeemukoma wako sezvo pakutanga vakuru vakaudzwa nyaya iyi vaingoitora sedambe.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Tariro Dube, vanoti ongororo ichiri kuenderera mberi kuti muridzi wemapfupa aya azivikanwe.

“Isu chatinoziva ndechekuti kune munhu akafona achiti pane mapfupa ari mudhamu kuchibva kwaenda vaye vanonyurura (veSub-Aqua Unit) ndokunonyurura mapfupa acho akaendeswa kumochari (kuParirenyatwa Group of Hospitals).

“Saka pari zvino takangoziviswa kuti mapfupa iwayo zvechokwadi ndeemunhu asi haasati azivikanwa kuti ndeani. Ongororo ichiri kuitwa nemachiremba kuti aonekwe kuti ndeemunhu wemhuri iyi (yaYusuf) here kana kuti kwete, tozokuzivisai,” vanodaro.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *