Chikomba chinamira chakanzi ‘chimedze firiji’

MUDZIMAI uye wekuChitungwiza — wekuita gumbo mumba, gumbo kunze asi iye akaroorwa —ndokuzvisikira moto muziso sezvo chikomba chake chiri kuramba kurambwa zvisinei nekuti chinozviziva kuti ane murume, akazopihwa gwaro redziviriro nedare reko.

Joyce Chitau (30) akamhan’arira chikomba chake, Munyaradzi Maromo (37), achida kudzivirirwa sezvo achiti amuonesa chitsvuku zvose nemurume nemwana wake.

Zvakadaro, Maromo ari kuramba kurambwa achiti zviri nani kuzviuraya kana kuponda mukadzi uyu sezvo pfungwa nemoyo wake zvaperera paari.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates Courts, Lazarus Murendo, akapa Chitau gwaro redziviriro.

Chitau akaudza dare kuti akaroorwa zvisinei kuti iye naMaromo vanogara vachisasana kumba kwake (Chitau) uye chikomba ichi chinotozivikanwa nemurume nemwana wake.

Muchikumbiro chake kudare, Chitau anoti haachada kuona Maromo achimushanyira kumba kwake kana kutaura nemwana wake uye kushungurudza murume wake.

“Murume uyu (Maromo) ave kutotyisa nekuti zvisinei nekuti akange achangobva kutambidzwa magwaro nemupurisa kuti auye kudare kuno, ari kuramba achinditeverera. Anouya kumba kwangu zuva nezuva achiti ari kutoda kushinha neni.

“Hapana mazuva ndamuruma zvekuti anotova nevanga achida kushereketa neni kumba kwangu. Pamwe pacho anenge achibvunza mwana wangu ini ndikamuudza kuti mwana wangu haanei naye, asi ini waari kudanana naye,” Chitau akaudza dare.

Maromo akapikisana nemashoko aChitau achiti: “Mudzimai uyu ishamwarikadzi yangu. Akandinyengedza kuti ndipinde murudo naye achinditi anoda kusiyana nemurume wake anove waaiti munhu asina kuvimbika nekudaro aiti anoda kutanga upenyu hutsva neni.

“Asi, nekufamba kwenguva, ave kuramba kuroorwa neni achiti anoda kuramba ari shamwarikadzi yangu bedzi. Izvi zvinoratidza kuti mudzimai uyu munyepi mukuru zvisinei nekuti ndichiri kumuda zvikuru. Mambo wangu, mudzimai uyu anogona kuita chese-chese chinoita kuti awane zvaanoda. Handaiziva izvi, nekuti ndakange ndakadzimaidzwa nerunako rwake uye maumbirwo ake.

“Anondinyepera kuti ndinoshungurudza murume wake asi kuti takaita musangano nemurume wake mushure mekunge andishevedza nenyaya iyi apo akange aona mashoko ataitumirana panhare.”

Akaenderera mberi achiti: “Ndiri kushungurudzwa nemudzimai uyu zvekuti ndave kuona kuti ndakashandiswa. Kuita kwake kwatove gomarara mumoyo nemundangariro izvo zvinogona kuti nditore upenyu hwangu nekuti ave kusarudza kudzokerana nemurume wake.”

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *