Chitungwiza yovhiya varwere veitsvo

VARWERE veitsvo avo vakatarisana nedambudziko rekudhurirwa nekuenda kunze kwenyika kunovhiiwa vanotarisirwa kubatsirika zvakanyanya zvichitevera hurongwa hwavepo hwekuti vange vachivhiiwa pachipatara cheChitungwiza Central Hospital munguva pfupi inotevera.

Hurumende inotarisirwa kukumikidza chipatara ichi kuti chinge chichishanda zviri pamutemo mukuvhiya varwere veitsvo.

Vachitaura pamusangano wakaitwa munguva pfupi yadarika muHarare pamusoro chirwere cheitsvo, weKidney Transplant, munyori mukuru kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Gerald Gwinji, vanoti Chitungwiza Central Hospital yakatogadzirira kuita basa iri.

“Tinofara zvikuru nedanho rakatorwa nechipatara cheChitungwiza Central Hospital mukuvamba muzinda mutsva uyo uchange uchiitirwa maoparisheni evarwere veitsvo.

‘‘Zvicharerutsira varwere nekuti vanenge vave kurapwa muno,” vanodaro.

Varwere vazhinji veitsvo vari kubatsirwa nechipatara ichi mukugezwa tsvina yemumuviri kuburikidza nenzira yehoemodialysis kureva kuti kuuya kwechirongwa chekuvhiiwa ichi kuchaita kuti dambudziko iri ringe richipera.

Haemodialysis muchina unomira seitsvo yekugadzirwa uyo unenge uchibatsira murwere weitsvo mukubvisa tsvina mumuviri.

Muzvipatara zvizhinji varwere vanowaniswa rubatsiro urwu nemari iri pakati pe$50 neUS$150 pachikamu chimwe nechimwe nekudaro zviri kuvadhurira zvakanyanya.

“Zvinoda kuva nepfungwa dzekusimudzira nyaya dzeutano kuti zvinhu zvinge zvichibudirira. Chitungwiza Central Hospital tinoona ichikwanisa kuita izvi zvichibudirira uye tinotarisira kuti varwere vose vachatanga kuvhiiwa pachipatara apa vachabatsirikana zvikuru,” vanodaro Dr Gwinji.

Vanoti nyanzvi dzichabata mabasa ekuvhiwa varwere dziri munyika muno uye midziyo pamwe nezvivakwa zvekushandisa zvatovepo.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, chamangwiza weChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, vanoti vakatogadzirira kuti varwere vange vachibatsirwa nekudaro vari kugadzirisa zvinhu zvishomanana zvasara.

Vamwe vakapinda mumusangano uyu vanosanganisira nyanzvi dzevarapi vemuno nevekuSouth Africa vakaita semaurologist, haematologists, nephrologists, radiologist nevanoona nezvekuvhiiwa.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *