Chikoro chakavandudzwa

Daphne Machiri —
MUTEVEDZERI wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima vanoti Hurumende iri kuvandudza zvikoro zviri kumapurazi uko kwakagariswa vanhu patsva nedonzvo rekuti vana veko vawane mukana wekudzidza sevamwe.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika pakuparurwa zviri pamutemo kwemakamuri ekudzidzira akavakwa pachikoro cheBatanai Primary School chiri kuHeadlands mudunhu reMakoni North.

Chikoro ichi chakavakwa nerubatsiro rwemari yakabva kuhomwe yeDistrict Development Fund (DDF).

Prof Mavima vakapawo chipo chemakombiyuta 100 kuchikoro ichi kuitira kuti vana vepo vabatsirikane mudzidzo yavo vachifambiranawo nenguva kuburikidza neE-learning.

“Kuvakwa kwezvikoro neHurumende kune chinangwa chekuti mwana wose ave nemukana wekuwana fundo. Naizvozvo Hurumende iri kuvandudza zvikoro zviri munzvimbo dzakagariswa vanhu patsva.

“Tinotenda zvakare DDF nekushanda kwairi kuita nesimba mukuvandudza zvikoro,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vamwe vana kare vaidzidzira mudzimba dzemumapurazi, pasi pemiti nemumadhirihora efodya uye vamwewo vachinaiwa nemvura, asi zvakapera nekuti zvikoro izvi zviri kuvandudzwa,” vanodaro Prof Mavima.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, gurukota remhando dzemoto, Dr Samuel Undenge vanoti bazi ravo riri kuenderera mberi nekuisa magetsi muzvikoro nedonzvo rekutsigira E-Learning.

“Kuti chirongwa cheE learning chifambe, chinoda magetsi kuitira kuti vana vadzidze vachifambirana neruzivo rwechimanje-manje,” vanodaro Dr Undenge.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *