Chikoro: ‘Gore rino zviri nani’

Muchaneta Chimuka
RAKANGE riri besanwa kuzviteshi zvakasiyana zvemabhazi nemusi weMuvhuro muguta reHarare zvichitevera kuvhurwa kwezvikoro svondo rino apo vana vanodzidza kumabhodhingi nevamwe vakange vave kudzokera kuzvikoro zvavo. Vabereki vakataurwa navo neKwayedza vanoti gadziriro dzekudzokera kwevana kuchikoro dzegore rino dzange dzakareruka kana zvichienzaniswa nemamwe makore.

Mapurisa eZimbabwe Republic Police musi uyu akaita basa guru rekufamba vachikusha mashoko echenjedzo kuvadzidzi ava kuti vangwarire kubirwa nematsotsi pamwe nekuti vatyairi vemabhazi vatevedzere mitemo yemumigwagwa pakufamba.

Vamwe vabereki vaiperekedza vana vavo kuzvikoro vakatambira chirongwa chemapurisa ichi nemawoko maviri vachiti chakaita kuti vadzidzi vafambe zvakanaka kana zvichienzaniswa nemamwe makore.

“Mumakore adarika, taiona moto nemahwindi ayo aingosvika achibvuta mabhegi nematirangi evana vachiendesa kumabhazi. Tainzwa nekumhanya tichitandanisa mabhazi zvekuti zvimwe zvacho zvaingobva zvarova uye vana vaibirwa mari dzavo nekuda kwekusagadzikana kwaive pamisika yemabhazi,” vakadaro Mai Leticia Bepete avo vakange vachiperekedza mwana wavo Landa Manjengwa anodzidza kuHoly Ghost, kwaMutare.

Vakati gore rino vakaona zvakavarerukira mukugadzirira kudzokera kwevana kuchikoro.
“Mubereki akarongeka haatengi zvinhu zvemwana wechikoro pazuva rekupedzisira asi kuti anoti zvikoro zvichingovharwa otangisa kutenga pashoma-pashoma zvekuti zvinozosara zvovhurwa zvinhu zvese zvavepo. Inini ndozvandakaita zvekuti ndakange ndangomirira kuti ndiperekedze mwana kuchikoro nekuti zvinhu zvese zvakaita semayunifomu, mabhuku nemari zvakange zvavapo,” vakadaro.

Belinda Wafawarova, uyo akange ari kuperekedzawo munin’ina wake, Melisa ari kunotanga Form 4 pachikoro chimwe chete ichi, akatsinhira nyaya yekureruka kwezvinhu kutanga kwegore rino.

“Makore akadarika vabereki vazhinji vaimbochema nekuda kweJanuary Disease asi gore rino zvinhu zviri kuratidza kuendeka. Tinotenda zvekare mapurisa nekukusha kwavari kuita mashoko edzidziso nekuti zviri kubatsira kuti vana vange vakachengetedzeka panzendo dzavo,” akadaro Belinda.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Memory Pamire, havana kukwanisa kubatika panhare kuti vape mashoko avo maringe nechirongwa chekukusha mashoko echenjedzo kuvadzidzi neveruzhinji ichi.

Related Posts

 Mabhurugwa evanhukadzi otsakatika akayanikwa pawaya . . . vamwe votevera kasingagumi

Kingstone Mapupu MAMWE madzimai ekuBudiriro 2, muHarare vogara vaine kutya kukuru zvichitevera kushaya kwavari kuita zvipfeko zvavo zvemukati apo vamwe vacho vanozoguma vava kurwara vachitevera kasingagumi.   Zvipfeko zvemukati zvemadzimai…

Sulu opemberera bhavhadhe mwoyo usina kugadzikana

Trust Khosa-Zimpapers SHASHA yemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti ari kupemberera kusvitsa makore 44 okuberekwa panguva iyo mwoyo wake wakaremerwa zvakanyanya. Mubatsiri wemabasa etsitsi, chipangamazo uye shasha yekusimudzira vamwe vaimbi, Sulu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×