Chikwapuro chemudzidzisi…Anoita kuti vana vatsvunhe

MUDZIDZISI wepaZengeza High 1, kuChitungwiza, uyo anove chikwapuro pakufundisa, ane vana vanodarika 40 vakabuda nema”A” pabvunzo dzeHistory paA-Level dzegore rapera, anoti kupa vana basa rekuita kana vave kumba pamwe nepazororo ndiwo musimboti wekuti vabudirire.

Vachitaura neKwayedza nguva pfupi yadarika, VaShuddy Mapuranga vanoti zvakakosha kuti vana vechikoro vazvirovedzere muzvidzidzo zvavo.

Vanoti vana vechikoro vakatovapa zita remadunhurirwa rekuti “Changamire Dombo” nekuda kwemaitiro avo ekuda kuti vadzidze vagobudirira muzvidzidzo zvavo.

VaMapuranga vanoti apo Hurumende yainge yambomisa zvemaextra lessons zvakambovadzosera shure uye vanoitisa zvidzidzo izvi pachena.

“Vana vechikoro vanongoda homework yakawanda kuti vapase uye kushanda nesimba. Ndinotonzi Changamire Dombo nenyaya yekusaita zvekutamba nebasa,” akadaro murairidzi ane chido nebasa rake uyu.

Vanoti vave nemakore anodarika 23 vachiita basa rehudzidzisi uye vanorida zvikuru. Vakakurudzira vana vechikoro vane nungo dzekuverenga kuti vashandure hunhu hwavo vagoshanda nesimba.

“Vana vechikoro hapana inofurira irere nokudaro shandai nesimba, ndihwo hwaro hwekuti mubudirire pazvose zvamunoita, zvingave zvemitambo kana zvemabhuku. Verengai mabhuku zvakadzama,” vakadaro VaMapuranga.

VaMapuranga mumwe wevadzidzisi vakapihwa mibairo yekugona basa pazuva reSpeech and Prize Giving Day pachikoro cheZengeza 1 High nguva pfupi yadarika.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×