Chirwere cheEbola chinorapika here?

CHIRWERE cheEbola, icho chazunguza pasi rose — kunyanya kunyika dziri kuWest Africa uko kwachauraya murakatira wevanhu — chaita kuti vanhu vagare vakabatira hana mumawoko sezvo chichiuraya nekukasika.
Dambudziko guru nderekuti chirwere chazezesa ichi hachisati chawanirwa mushonga zvisinei nekuti pane ongororo dziri kuitwa mumarabhoritari kuti chinge chichirapika. Kana chirwere chisati chave nemushonga wekuchirapa chinounza kutya kukuru kuvarwere, vapepi nevanhuwo zvavo nekuti vanenge vatongoona kuti vakatarisana nerufu pachinzvimbo chekuti vave netariro yekubatsirwa kana vachibata.

Pari zvino kunyika dzine chirwere ichi kuri kushandiswa mishonga ichiri kumbozama kuonekwa kuti inoshanda here iyo inodaidzwa kuti VSE-EBOV.

Mishonga iyi iri kupihwa kuvanhu vakazvipira uye vari kutarisira kuti vagoona kuti ichashanda nemazvo here kuzozvika mumwedzi waZvita gore rino.

Pane mukana wekurarama?
Iyi ndiyo mimwe mibvunzo iri kushungurudza vanhu vakawanda. Varwere veEbola vane mikana inosvika chikamu che50% chekurarama kana vachinge vakasikirwa kuwaniswa rubatsiro.

Kurapwa uku kunovapo kana vachinge vachimbidza kuongororwa vakaonekwa kuti vane chirwere ichi.

Murwere angabatsirwa sei?
Munhu ane chirwere ichi anogona kuonekwa nezviratidzo zvakadai sekukosora achipindwa nechando, kuita manyoka nekurutsa zvichiita kuti ange achirasikirwa nemvura yakakosha mumuviri. Asi nekuda kwekuti hakusati kwave nemishonga chaiyo inorapa chirwere ichi, varapi vanogona kubatsira murwere nekudzorera mvura mumuviri kuburikidza nenzira yeIntravenous Therapy kana kuti IV Drip, kuwanisa murwere mweya wekufema pamwe nekuongorora hudzamu hwekufamba kweropa rake (Bp) nekuirapa. Varapi vanokurudzirwa kuramba vachirapa murwere zvimwe zvirwere zvinogona kunyuka paari.

Kana chirwere ichi chichinge chadzama itsvo nechiropa zvinogona kukundikana kushanda zvakanaka zvinozoita kuti murwere apedzisire ave kungobuda ropa panhengo dzese-dzese dzemuviri.

Zvii zvingaitwe?
Nyika zhinji idzo dzisati dzave nechirwere ichi dzinokurudzirwa kuti dzigare dzakagadzirira kuchirwisa. Ibasa guru rebazi rezveutano, masangano akazvimiririra kana vemabhizimusi kutsigira zvirongwa zvekugadzirira.

Panofanirwa kuve nehomwe inobatsira mukudzidzisa varapi nevanhu vari munharaunda kuti vange vaine chenjedzo maringe nechirwere ichi.

Kumiganhu yenyika kunofanirwa kuitwa ongororo yakasimba nekuti ndiko kune hwaro hwekunogona kubva nechirwere ichi apo vanhu vanenge vachipinda nekubuda vachibva kunyika dzakasiyana, dzimwe dzacho dzine chirwere ichi.

Zvekare, panofanira kunge paine hurongwa hwekubatsira mhuri kana nherera dzinenge dzasiiwa nevabereki nekuda kweEbola kana kuti panguva iyo vabereki vanenge vari kurapwa.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×