Chikwata chotsvaga rubatsiro rwekutsikisa

Kingstone Mapupu —
CHIKWATA chevechidiki vari kusimukira mumusambo weZim-dancehall chekwaMambo Mangwende, kwaMurehwa chotsvaga rubatsiro rwekutsikisa mhanzi yacho uye nekuti chikwanise kunge chiiita mashoo kunzvimbo dzakasiyana.

Chikwata ichi cheKingy Nice chinotungamirirwa naNoel Chabikwa (22) uye chine nhengo nhanhatu. Dzimwe nhengo dzechikwata ichi dzinoti Luckmore Mhiti anova programmes officer, Tafadzwa Maisela anova maneja nemutevedzeri wake Kennedy Rapella, kouya Trust Marumisa naDavid Mazhoro.

Chikwata ichi chakaumbwa mugore ra2013 asi chiri kusangana nedambudziko rekushaikwa kwemari yekusimudzira mabasa acho.

“Ini ndini ndinonyora nziyo muchikwata chedu asi handirambidze vamwe vanoda kunyorawo. Mukatarisa nziyo dzangu dzandakanyora ndedzenhamo zhinji dzacho kuburikidza nekuti ndakashaikirwa naamai vangu ndiine makore maviri okuberekwa saka zvinondibata zvikuru,” anodaro Chabikwa.

Dambarefu ravo rekutanga rakaburwa mugore ra2015 rinonzi Kushandira Mahara uye rine nziyo 12.

“Tine dambarefu rimwe chete idzva iro takabura risina kushambadzwa zvakanaka nekuda kwekushaya mari. Imwe nyaya, tinodawo zvekuridzisa nemari yekuti tikwanisewo kubhuka mashoo nekutsikisa mamwe madambarefu edu matsva andakanyora kare,” anodaro Chabikwa.

Anoti chikwata chavo chinoshevedzwa kumakungano munzvimbo yekwaMurehwa kwakadai semuzvikoro nekumichato uko vanotendwa nezvinhu zvidiki zvakaita sehuku, mbudzi kana nemari shoma zvikuru.

“Takatarisawo chipo chedu tikaona chiri pakuimba ndokuvamba chikwata chedu ichi saka tinokumbirawo kubatsirwa kunyange nemazano chaiwo,” anodaro Chabikwa.

Kune vanoda kubatsira chikwata ichi nezvakasiyana vanokwanisa kuridza nhare panhamba dzinoti 0771 645 133 votaura naChabikwa

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *