China yobatsira vanotambura

Muchaneta Chimuka

VABEREKI vane vana vakaremara mitezo avo vanova nhengo dzesangano reZimbabwe Parents of Handicapped Children Association (ZPHCA) svondo rapera vakasara vaine kufara kukuru zvichitevera rubatsiro rwechikafu nezvimwe zvinhu zvekushandisa zvinokosha US$10 000 zvavakapihwa nemudzimai wemumiriri wenyika yeChina muno, Amai Wang Wei, kumuzinda wavo muguta reHarare.

Vachitaura pakutambidza zvinhu izvi, Amai Wang Wei vanoti vakaona zvakakosha kuti vabatsire vanotambura pamwe nekusimudzira kodzero dzevana vakaremara.

“Ndinofara nemabasa makukutu ari kuitwa nesangano reZPHCA nekupa kwavanoita mikana uye kuchengetedza vana vakaremara. Mwana akaremara anofanira kuwaniswa kodzero dzakangoenzana neasina. Kodzero idzi dzinosanganisira kuwaniswa chikafu, zvekupfeka, utano, chengetedzo nedzidzo, pakati pezvimwe,” vanodaro.

Amai Wang Wei vanotenda Hurumende nekutsigira kodzero dzevana vakaremara kuburikidza nekudzikwa kwemitemo inovachengetedza.

Mai Miriam Kangai, vanova mukuru weZPHA, vanotenda rutsigiro urwu vachiti rwuchasandura raramo yevana vakaremara.

“Sezvamunoona, vamwe vana vari pano havataure, vanozviitira tsvina varere panhovo, vamwe havagoni kana kusimudza musoro saka idambudziko guru rinosangana nevabereki vanochengeta vana ivava.

“Rutsigiro urwu rwuchasandura upenyu hwevana vakaremara zvikuru muguva ino apo chikafu nezvekushandisa zviri kudhura,” vanodaro.

Amai Silindiwe Siziba (40) vanove mubereki ane mwana akaremara vanoti zvinhu zvinodiwa nevana ava zvinodhura uye sevabereki vasingashandi zvinovaomera.

Zvinhu zvakapihwa vana ava zvinosanganisira madhondoro ekufambisa, sipo dzekugezesa nedzekuwachisa, dovi, mafuta, munyu, matemba, bhinzi, zvinwiwa, zvekushandisa panguva yekutevera nezvimwe zvakawanda.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *