Mukadzi hutu nababa ve‘panext-door’

Milcah Nhakura
MUMWE murume anoti akagurwa kunorira nemuvakidzani wake uyo waanoona sababa uyo akamutorera mudzimai wake.
Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Tendai Chitambu akamhan’arira Zhuwao Kachoro achiti ari kugara achimurova achimupomera mhosva yekumutorera mukadzi wake.
Mutongi Trevor Nyatsanza akapa Chitambu gwaro rinomudzivirira.
Chitambu anoti ashaiswa rugare naKachoro.
“Murume uyu muvakidzani wangu asi anondipomera mhosva yekumutorera mudzimai wake. Anotondigadzirira nyaya kuti ndisungwe nekutuma vanhu kuti vandirove. Handichina mufaro nekuti ndave kutya kugara ndichirohwa.
“Ndinomuudza kuti handidanane neaimbove mudzimai wake. Ini handidi zvangu zvemhirizhonga,” anodaro.
Achipawo divi rake, Kachoro anoti Chitambu ari kunyepera dare.
“Murume uyu ndinotomutora sababa asi pandakanzwa nyaya yekudanana nemudzimai wangu ndakatomubvunza akaramba. Takambonetsana kwekanguva nemudzimai wangu tisati tarambana.
“Chitambu akatora ‘advantage’ yekunetsana kwedu, ndipo pavakatanga kudanana. Vatouya vose nemukadzi wangu natezvara kudare kuratidza kuti vanodanana,” anodaro.
“Tine vana vana tose saka ndaifunga kuti pamwe anganyarawo, asi havatombondiremekedzi . Zvese zvekuti ndinomurova ndezvekunyepa.”

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *