Chinonzi ngano chii?

Munyaradzi Gunduza
NGANO mutambo wepasichigare waitambwa nasarungano nevateereri munguva dzemanheru, kunyanya mumwaka weChirimo.

Vakuru vakare vaitendera kuti zvaiera kuita ngano munguva dzeZhizha sezvo minda yaizoroporwa navaropo. Izvi zvaireva kuti minda yaizodyiwa nemhuka dzakaita semakudo, makunguwo kana zvimwewo zvikara zvesango zvinoparadza zvirimwa zvinosanganisira mhashu, tsunu nezvimwe zvipembenene.

Chokwadi chaicho chiripo ndechekuti kuita ngano munguva dzeZhizha zvaizoita kuti vanhu vaparadze nguva yekuzorora sezvo vaiwandirwa nemabasa. Izvi zvinotsigirwa zvakare nepfungwa yekuti vakuru vedu vairarama nekurima, saka vaiswera vachiita mabasa akasiyana-siyana muminda.

Ndizvo zvaiita kuti vazode kukasika kuzorodza miviri munguva dzemanheru.

Nokuda kwaizvozvo, kuita ngano munguva dzehusiku kwaizokanganisa vanhu kuita mabasa avo muzuva raizotevera sezvo vaizoshaya nguva yakakwana yekuzorora. Sezvo VaShona vaitendera zvakanyanya mutsika dzavo, uye muchitendero chavo, kushandisa zvierwa yaive nzira yekugadzirisa matambudziko munharaunda.

Hapana mwana aizopikisana nepfungwa dzaitaurwa navakuru kana achinge aziviswa kuti zvaaida kuita zvaiera sezvo kupikisa vakuru kwaiburitsa unhu hwakafumuka.

Zvinhu zvakakosha zvinoda kuzivikanwa mungano:

Ziva bhuku rengano

Mabasa engano

Basa rasarungano

Basa revateereri

Madingindira

Tsika nemagariro

Unhu nemabasa anomiririrwa nemhuka

Maonerwo evanhukadzi/vanhurume/vana/vanhu vanoshoreka

Kutandadza kwengano

Mashiripiti anobuda mungano

Maumbirwo engano

Zvidzidzo zvinobuda mungano

Musiyano wenganonyorwa nenganotaurwa

Musoro wengano

Kupfupikisa ngano yoga yoga

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *