Chirandu azviita zvakare

Abel Ndooka

MUIMBI weAfro-fusion ane mukurumbira — Tongai “Chirandu” Tarubona — haasi kudzokera kumashure.

Tarubona, uyo anotungamira chikwata cheThe Black Identity, akabura dambarefu rake rechi16 rinonzi “Ndezvepano Pasi”, iro rine nziyo ina.

Achitaura pamusoro pedambarefu iri, Chirandu anoti akaritsikisa sezvo zvemimhanzi zviri muropa rake uye anonzwa kufara paanenge achitsikisa mimhanzi, iyo inodzidzisa vanhu vemazera akasiyana-siyana.

“Rwendo rwandafamba mune zvemimhanzi rwakakura zvekuti ndiri kunzwa manyukunyuku kuti ndakwanisa kutsikisa nekuparura dambarefu rangu rechi16.

“Hazvisi nyore; zvinotoda kushingirira chaizvo nekuti mumimhanzi unosangana nezvakawanda. Saka, semuimbi, unofanirwa kugara uchibika mimhanzi mitsva zvichiendererana nezvinenge zvichiitika muhupenyu, uchipa dzidziso uye chenjedzo kune vatsigiri vako kuti vagare vakangwarira,” anodaro Chirandu.

Padambarefu rake iri, pane nziyo dzinoti “Kutsinzina Hakusi Kunamata”, “Mwana Wemusango”, “Musandidzora” uye “Kupindana Kwenguva”.

Chirandu anonyanya kuzivikanwa nenziyo dzinoti “Stress”, “Maminimini Pakirawa”, “Mutoriro Nemujolo”, “Vatete” uye “Ziso Rinoparira”.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *