Chirandu ovhura studio

Abel Ndooka —
MUIMBI wemusambo weAfro-fusion neJazz Tongai ‘Chirandu’ Tarubona akavhura studio muguta reHarare iyo anoti ichashanda zvikuru mukubatsira vaimbi vari kusimukira.

Anoti akavhura studio iyi mushure mekuona kuti kutsikisa mhanzi mazuva ano kwave kudhura nekudaro vaimbi vari kunetseka kuti vatsikise uyewo nerimwe divi mashoo ari shomeka nekuda kwekushaikwa kwemari.

“Hatidi kunyeperana kutsikisa mhanzi kwave kudhura zvikuru uye zviri kuremera vaimbi vazhinji nekuti mari yacho hakuna, mashoo haasi kuwanika zvekumhanya.

“Saka ndakaona kuti ndikavhura studio yangu muguta ndinogona kubatsira vaimbi vazhinji vari kusimukira nekuti kana uchitanga zvinenge zvichirema, ini ndakazvionera pandakatanga,” anodaro Chirandu. Muimbi uyu — uyo anotsigirwa nechikwata cheBlack Identity Band — akabura dambarefu rake rechinomwe rinonzi Mbwire-mbwire gore radarika uye anoti rinotevera acharibika kustudio yake. “Zvandave nestudio ndave kutotanga kutsikisa mhanzi uye manje-manje ndichatobura zvitsva,” anodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *