Chirongwa cheutano kuManicaland

VANHU vanotambudzwa nezvirwere zvakasiyana kuNyanga nekuChimanimani, kudunhu reManicaland, vanotarisirwa kubatsirika zvikuru zvichitevera kuparurwa kwechirongwa cheTele-medicine icho chinoita kuti vakwanise kuwana ruzivo rwekuchengetedza utano kuburikidza nekutumirwa mashoko panhare.

Pasi pechirongwa ichi, vanhu vanotumirwa mazano akasiyana maringe nekuchengetedza utano pamwe nenzvimbo dzavanokwanisa kurapwa nekuongororwa utano.

Muhurukuro naNyanga District Medical Officer, Dr Admore Jokwiro, vanoti chirongwa ichi chichabatsira vagari vekuNyanga neChimanimani.

“Tiri kuvamba chirongwa cheTele-medicine nedonzvo rekuvandudza utano mudunhu reManicaland. Imwe nhau yatiri kurwisana nayo ndeyekuti tipedze dambudziko revanhu vari kufamba nzendo refu kuti vabatsirwe muzvipatara nemakirinika kuburikidza nekuvepo kwemamobile clinics,” vanodaro Dr Jokwiro.

Vanoti vagari vakawanda vekumaruva vane dambudziko rekushaya ruzivo rwakazara maringe nezvavangaite mukusimudzira utano hwavo.

“Chirongwa ichi chiri kuparurwa kuburikidza nemubatanidzwa webazi reutano nekurerwa kwevana, bazi reposvo nedzinhare, kambani yePostal Telecommunications Regulatory Authority (Potraz,) International Telecommunications Union pamwe neUnited Nations Development Programme (UNDP),” vanodaro.

“Takatotanga tsvakiridzo dzekuvandudza zveutano nedonzvo rekuti varwere vawaniswe mishonga nenguva. Izvi zvichireva kuti zvava nyore kuti vanhu vazive mazuva ekuuya kuchipatara zvakaita sevanouya kuzoongororwa zvirwere zvakasiyana.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *