‘Chitangai kutsvaga nzvimbo dzeForm 1’

Freedom Mupanedemo
VABEREKI vari kukurudzirwa kuti vatange kunyorera vachitsvaga nzvimbo dzevana vavo dzeForm 1 dzegore rinouya vachishandisa dandemutande re”eMap” vachisarudza zvikoro zvavanoda kwete kuzomhanya-mhanya panobuda zvakanyorwa nevana paGrade 7.

Mutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima vanoti zvikoro zvebhodhingi munyika yose zvakavhura dandemutande rekutambira zvinyorwa zvevanhu vari kutsvaga vana nzvimbo dzeForm 1.

Bazi redzidzo iri rakatanga kushandisa chirongwa ichi gore rapera.

“Takavandudza chirongwa chekutsvaga nzvimbo dzeForm 1 ichi pachishandiswa dandemutande uye chave kushanda zvakanaka,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti vabereki vanozotumira zvinenge zvabuda pabvunzo dzeGrade 7 dzakanyorwa nevana vavo mushure mekunge vatsvaga nzvimbo kare.

“Zvakanakira kutsvaga nzvimbo nguva ichiripo ndezvekuti kana zvakanyorwa zvabuda uye mwana aine mayunitsi anenge achidiwa nechikoro chaari kutsvaga nzvimbo, anokwanisa kuziviswa mamiriro ezvinhu nekukasika,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti vabereki vanofanira kutora mukana wechirongwa che”eMap” mukutsvaga nzvimbo dzeForm 1 pane kushanyira zvikoro sezvo izvi zvichizovadhurira.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *