Chitepo: Gweta rechitema rekutanga muZim

ZIMBABWE munguva pfupi iri kutevera inenge ichirangarira magamba akazvipira upenyu hwawo mukusunungura nyika ino kubva kuhutongi hwevadzvanyiriri.

Mamwe emagamba aya akavigwa kumarinda akasiyana anosanganisira eNational Heroes Acre, dzimwe nzvimbo dzinovigwa magamba munyika pamwe nekunyika dzakaita seMozambique neZambia.

Rimwe remagamba akavigwa paNational Heroes Acre ndiCde Herbert Wiltshire Hamandishe Chitepo, avo vaive sachigaro webato reZanu. Cde Chitepo vakavigwa pamarinda aya musi wa11 Nyamavhuvhu, 1981.

Cde Chitepo vakaberekwa musi wa5 Chikumi 1923 kuBonda, kuNyanga.

Vakange vari mudzidzisi uye gweta remhando yepamusoro.

Cde Chitepo vakave gweta (advocate) rechitema rekutanga munyika yeZimbabwe uye vakamirira zvakasimba vatungamiriri vehondo yerusununguko kumatare edzimhosva.

Nekuda kwehumhare mubasa ravo, Cde Chitepo vakazokumbirwa kuti vaende kunoshandira kuTanzania semukuru anoona nezvekufambiswa kwebasa munyaya dzekutongwa kwemhosva (director of public prosecution) nehurumende yenyika iyi. Apo bato reZanu rakarambidzwa kuita zvematongerwo enyika, Zanu Central Committee yakaudza Cde Chitepo kuti vatungamirire chikamu charo chekunze kwenyika. Izvi zvakaita kuti Cde Chitepo vasiye basa ravo kuTanzania ndokuenda kuZambia kunotungamirira Revolutionary Council. Kushanda kwavo zvine simba munguva yehondo yerusununguko kwakaita kuti pave neboka revarwi reZanla iro rairwisana nemauto nehurumende yevachena. Cde Chitepo vakazovandudza Revolutionary Council kuve Dare ReChimurenga iro raiona mafambisirwo ehondo yekusunungura Zimbabwe kubva muhutongi hwemabhunu zuva nezuva.

Vakashandawo nesimba mukuona kuti veruzhinji vatsigira varwi vehondo yerusununguko.

Cde Chitepo vakafa musi wa18 Kurume 1975 kuLusaka, kuZambia, zvichitevera kuputika kwakaita bhomba rakange raiswa nevavengi mumotokari yavo apo yaive mugaraji pamba pavo.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×