Chiyangwa aive kupi? MaWarriors ari kuGabon . . .

 — ‘Handiroba basa rangu iroro’
— ‘Handingasiye bhizimisi rangu’

Abel Ndooka —
ANOTUNGAMIRIRA sangano renhabvu reZimbabwe Football Association (Zifa), Phillip Chiyangwa, anoti harizi basa rake rekuenda kunoona maWarriors achikwikwidza kumutambo weAfrican Cup of Nations uyo waitambirwa kuGabon sezvo iye aine mabhizimisi ake anoda kugadziriswa.

Panyika dzose dzaikwikwidza kuAfcon, Chiyangwa – uyo zvakare anove mutungamiri weCouncil of Southern Africa Football Associations (Cosafa) – ndiye oga mutungamiri wesangano renhabvu asina kuenda kuGabon kunotsigira chikwata chenyika yake.

Achipindura mibvunzo yenhepfenyuro yedu yeStar FM svondo rino pamusoro penyaya yekuti sei asina kuenda kunotsigira chikwata chenyika yake kumitambo yeAfcon, Chiyangwa akadya magaka mambishi achiti harisi basa rake rekuenda kuGabon kuona kuti maWarriors aitamba sei.

“Kana CAF ine zvekutaura pamusoro pekusauya kwangu kuGabon, haifanirwe kushevedza ini sezvo ndisirini ndiri kunotamba bhora racho.

“Handingasiye zvemabhizimisi angu kuti ndiende kunoona bhora,” anodaro Chiyangwa.

Chiyangwa anoenderera mberi achishoropodza Star FM achiti yaishuvira kwazvo kuona maWarriors achitadza kubudirira kuAfcon sezvo yaisashambadza zvakanaka gadziriro dzechikwata ichi.

Asi chisingazivikanwe naChiyangwa ndechekuti Star FM yaishaya zvisvinu zvekushambadza kunze kwenyonga-nyonga yegadziriro dzekuenda kuGabon. Anokanganwa kuti paimwe hurukuro yaakaita panhare naNikki paBreakfast Club, Chiyangwa akati haashandire ruzhinji ndokupedzisira ongopopota apo aibvunzwa nezvegadziriro dzemaWarriors.

“Star FM hapana zvamakaita pagadziriro dzedu dzeCAF dzekuenda kuGabon tichitsvaga mari.

“Star FM hapana zvayaiita, ndimi maitodzosera basa kumashure,” anodaro Chiyangwa svondo rino.

Kusaenda kwaChiyangwa kuGabon kunotsigira maWarriors kwakashamisa vanhu vakawanda kusanganisira mutori wenhau weBBC, Farai Mungazi.

Mungazi akataurawo pachirongwa chepaStar FM ichi kuti mutungamiri weCAF – Issa Hayatou – nedzimwe nhengo mbiri dzeCAF dzakamubvunza kuti sei Chiyangwa asina kunotsigira chikwata chake.

“Ndakabvunzwa nemutungamiri weCAF nedzimwe nhengo mbiri dzeCAF kuti sei mutungamiri weZifa asina kuuya kuzoona chikwata chake chichitamba?” anodaro Mungazi, uyo anove chizvarwa cheZimbabwe.

MaWarriors aive muGroup B kuAfcon apo akatamba nezvikwata zvinoti Senegal, Algeria neTunisia. Mumutambo wekutanga, maWarriors akaita mangange 2-2 neAlgeria. Zvisinei, Zimbabwe yakazobuda mumakwikwi aya zvichitevera kukundwa kwayakazoitwa neSenegal 2-0 uye neTunisia 2-4.

Zvichitevera kusatamba zvinogutsa kwakaita maWarriors kuAfcon, murairidzi wechikwata ichi, Kalisto Pasuwa, ari kunzi nevamwe asiye basa rake asi aye achiti haana kwaanoenda.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *