Chiyangwa otaura nezvevatambi

Abel Ndooka —
MUTUNGAMIRIRI wesangano rinoona nezvenhabvu munyika reZimbabwe Football Association (Zifa), Phillip Chiyangwa, anoti zvakakosha kuti vatambi vemuCastle Premier Soccer League vashande nesimba kuti vagotengwa nezvikwata zvekunze izvo zvinopawo mukana kune vechidiki wekuti vasimukire.

Muhurukuro neKwayedza, Chiyangwa anoti vatambi vemuPSL vanofanira kuyemura zviri kuitwa nevamwe vari kutambira kunze kwenyika avo vari kusimudzira mureza weZimbabwe nekutamba zvinodadisa kuzvikwata zvavo zvakasiyana.

Vamwe vari kutambira kunze kwenyika vanosanganisira Knowledge Musona, Marvelous Nakamba, Willard Katsande, Tino Kadewere, Nyasha Mushekwi, Khama Billiat, Cuthbert Malajila, Tendai Ndoro, Danny Phiri, Kudakwashe Mahachi, Tatenda Mkuruva naGeorge Chigova.

“Tinotarisira kuti mutambi ukatamba muno nhabvu tinoda kukuona uchienda kunze kwenyika kwete kurambira muno. Kuenda kwemutambi kunze kunopawo vechidiki mukana wekusara vachitamba vogadzirawo mazita avo vagokutevera kunze ikoko,” anodaro Chiyangwa.

Anoenderera mberi achiti: “Zvinoshandurawo hupenyu hwevatambi. Ndakazviona pandakaenda kuSouth Africa ndakatambirwa naMalajila ane mota yakanaka zvikuru uye iye pamwe naKatsande, Billiat naMahachi vanogara kudzimba dzakanakisa chaizvo dzinonhuwirira kudarika zvavaive vari muno.”

Achibvunzwa neKwayedza pamusoro pevamwe vatambi vanotadza kunobudirira kunze kwenyika avo vanozodzoka muno vave kukwangwaya, Chiyangwa anoti chinodiwa kana mutambi aenda kunze kushanda nesimba.

“Ukaona chikwata chichikutenga chinenge chaona zviri pauri saka zvinennge zvasarira iwe kuti ushande nesimba kuti uenderere mberi.

“Ukaenda ikoko wonoita zvekutamba zveshuwa tinongokuona wadzoka ari ngori mawoko chete pasina chawakabata.

“Peter Ndlovu paakatengwa neCoventry achiri mudiki akaenda akanoshanda nesimba akatamba kuEngland kwemakore akawanda uye zvaari izvezvi kushanda kwaakaita nesimba,” anodaro Chiyangwa.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×