‘Command Agriculture huchi’

Kingstone Mapupu —
MUMIRIRI weBindura South mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira, vorumbidza chirongwa cheHurumende chekubatsira varimi nezvekushandisa cheCommand Agriculture vachiti chakakosha zvikuru mukusimudzira hupfumi hwenyika.

“Chirongwa chiri kutsigirwa neHurumende ichi cheCommand Agriculture chasimudzira upfumi hwenyika nekuunza maguta. Honai matura akatotanga kufema nekupfachukira kare nechibage chakarimwa kuburikidza nechirongwa ichi, nyika yotinhira nemaguta,” vanodaro Cde Matangira.

Vanoenderera mberi vachiti, “Yangova Command, Command Agriculture kwese-kwese kubva kuzvirimwa, kumombe nezvimwe zvipfuyo pamwe nekupfuya hove.”

Cde Matangira murimi mukuru uye vanorimira vari papurazi ravo reMatangira Thrums Farm riri kuBindura.

Mumwe wevarimi vakawana zvekushandisa kubva Hurumende pasi pechirongwa cheCommand Agriculture.

“Izvozvi takagara pamusoro pemaguta, ndakarima mahekita 200 echibage pasi pechirongwa ichi uye chimwe chechibage ichi takatonongora chatinoda kuendesa kuGMB. Tine gorosi ratakadyara mahekita 200 zvakare nekudaro hapana kudzokera kumashure. Ngatipemberei tose, Mwari vakabva vanaisa mvura zhinji kureva kuti chakatambirwa naMwari nevadzimu vedu muno,” vanodaro.

Ottillia Matangira (26) anova operations manager pamupurazi reThrums anoti chirongwa ichi chavavhura maziso sevechidiki.

“Ndinoti sesu vechidiki ngatishandisei mukana wechirongwa ichi zvizere toburitsa zvibereko kubva muvhu. Izvozvi papurazi rino tine vashandi vanodarika zana, varume nemadzimai,” anodaro.

“Mumwe wevashandi vepapurazi iri, Elizabeth Arufayi (36) anoti vari kutsigira zvikuru chirongwa cheCommand Agriculture nekuti chasimudzira mabasa ekurima munyika.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *