Corona yobatanidza Kapfupi naMarabha

Kingstone Mapupu
VAIMBI vaviri avo vanoitawo mitambo yemadhirama, Freddy “Kapfupi” Manjalima naCharles “Marabha” Milisi Mupalume vose vanogara kuEpworth vane mutambo wavo wavakatsikisa wakanangana nekurwisa kupararira kwedenda reCovid-19.

Mugore ra2017, vaviri ava vakarimirana zvekusvika pakusaonana kana kutaura apo Marabha aipumha Kapfupi uroyi.

Panguva iyi Marabha aipomera Kapfupi kumuroya achimurovesa nezvidhoma nekuda kwechikwereti chake che$800.

Vaviri ava vanoti vakazoregererana ndokutanga kushanda vose zvakare.

Marabha

Kapfupi anoti haana chakaipa naMarabha uye achashanda naye sezvavaiita kare.

“Takatoita vhidhiyo tose naMarabha. Tiri kuedza kupa dzidziso kuruzhinji muno nekunze pamusoro pechirwere cheCovid-19 takanangana nekupfekwa kwemamasiki neveruzhinji.

“Hapana chakaipa pakati pedu, tagara tine hukama hwakasimba kubva nakare. Kungoti mumwe wangu Marabha aifurirwa nevamwe vanhu vaida kuona tichipesana,” anodaro Kapfupi.

Anoti zvakakosha kuti veruzhinji vabatsire muhondo yekurwisa kupararira kweCovid-19.

“Sekutaura kwakaitwa naPresident Mnangagwa kuti ngatitevedzei nzira dzekudzivirira denda reCovid 19, ini naMarabha hatigone kungonyarara. Saka takangozvironga nguva duku-duku ndokuita vhidhiyo iyi uye tiri kutoronga kuimba kambo chaiko.

“Ndinoti ngatitevedzerei zvose zviri kunzi tiite sekugeza maoko nekupfeka iwo mamasiki nekurega kuungana,” anodaro Kapfupi.

Kapfupi anoenderera mberi achiti, “Mumwe wangu ndakaona kuti nhamo yakanga yamurova ndokuronga kumubatsira nekudaro tiri kushanda tose tigere zvedu kumba. Tine zvihombe zvatinoda kubura naMarabha munguva pfupi iri kutevera.

“Kune vaye vanoda kuona tichirwisana ndinoti dai mambomira kure husahwira hwedu hubake moto sezvataive kare.”

Anoti iye ane nhamo asi yaMarabha yanga yanyanya izvo zvakazoita kuti amubatsire.

“Zvakadarika zvakadarika, ndakamuregerera nekundiita muroyi uye ini handiroye. Ndakadzora mwoyo wangu semunhu mukuru. Pane zvatava kuita izvi hatichada wechitatu bhasopo mirai kure!”

Marabha anotiwo: “Takaita vhidhiyo tose yekurwisa kupararira kweCovid-19 uye tine zvihombe zvatiri kuronga. Izvo zvakamboitika kare ndapota ngatisiyanei nazvo. Tinoda kutibura nyika nemutakunanzva wezvatiri kuronga naKapfupi kana denda iri radarika.”

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×