Coronavirus: Yeuka zvinotevera

Muchaneta Chimuka
MUMWEDZI waZvita gore rapera, munyika yeChina makanyuka chirwere chinodaidzwa kuti coronavirus kana kuti Covid-19 icho pari zvino chapararira kunyika dzakawanda dzepasi rose, kusanganisira muZimbabwe.
Coronavirus hutachiona hunokonzera kurwara sekupindwa nechando zvichizowedzera nekufamba kwenguva.

Covid-19 inoparadzirwa sei?

  • Coronavirus hutachiona hwakaipisisa hunotapuriranwa nyore kuburikidza nekusangana pedyo nepedyo nemunhu anaho.
  • inotapurirwa nekukosora kana kuhotsira.
  • kubatana nemunhu anayo sekumhoresana.
  • kubata midziyo kana chinhu chine hutachiona hwechirwere ichi, kubata muromo nemaziso nemaoko asina kugezwa.
  • kubata mhuka dzinorwara kana kuti mhuka dzesango.

Zvaungaite kana uine fungidziro yeCovid-19

Zviratidzo ndezvinotevera: kupindwa nechando, kurwadziwa muchipfuva, kutemwa nemusoro, kurwadziwa nepahuro nekukosora uchingochururuka dzihwa.
Zviratidzo izvi zvinotanga zviri zvishoma asi zvichizowedzera nekufamba kwenguva uye zvinogona kutora upenyu hwemunhu.
Kana uchifungira kuti une Covid-19, ridza nhamba dzinotevera dzekubazi rezveutano dzinoti 2019

Ungaderedza sei mikana yeCovid-19?

  • siya mita imwechete paunomira kana kugara nemunhu ane zviratidzo zvekukosora.
  • usabate mhuka dzemupurazi kana dzemusango.
  • vhara mhuno nemuromo wako netishu kana gokora rako paunokosora kana kuhotsira.
  • regedza katsika kekubata maziso kana muromo.
  • geza maoko ako nguva dzose paunokosora kana kuhotsira, kana kubatsira murwere.
  • geza maoko nesipo nemvura yakachena uye inochururuka kana wabva mukushandisa chimbuzi.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *