Costa anoita senge asvikirwa: Amai

. . . ndini murairidzi wake wekutanga

AMAI vaCosta Nhamoinesu  mutambi wemaWarriors neSparta Prague yekuCzech Republic – Getty Rudo Nhamoinesu – vanoti vanodada zvikuru nemwana wavo uyo wavanoti kana ave kutambira nyika yake anoita kunge munhu asvikirwa uye ndivo vakave murairidzi wake  wekutanga wenhabvu.

Costa mumwe wevakatamba nhabvu yainwisa mvura apo maWarriors akahwina tikiti rekuenda kunokwikwidza ku2017 Gabon African Cup of Nations uye anotarisirwa kuva ari muchikwata chichaenda kumutambo uyu.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Mai Nhamoinesu vanoti vanonzwa manyuku-nyuku kuti mwana wavo anotambira nyika yake nemwoyo wake wose.

“Zvinhu zvinofadza kunomirira nyika yako kuAfcon, ndinonzwa kufara zvakanyanyisa nekuti kana achitambira nyika yake anoita kunge asvikirwa. Tichitarisa paakatanga kutamba nhabvu nepaasvika iye zvino, abva kure uye kushanda nesimba kwaange achiita kwave kumupa pundutso.

“Ini ndinoshuvira kuve ndiriko kuGabon naye ndichimutsigira, asi hunge kana Mwari vakatendera,” vanodaro.

Pamitambo yose yatambwa naCosta kusvika parizvino, amai vake vanoti havakanganwe wemaWarriors neSwaziland wegore rino uyo wakahwinhwa neZimbabwe 4-0 apo mwana wavo akanwisa.

Vanoti vaingonzwa nevamwe kuti Costa anoita zvekusvetuka achinwisa bhora nemusoro izvo vakazvionera voga mumutambo uyu.

“MaWarriors paakatamba neSwaziland muno kuNational Sports Stadium, Costa akandifadza zvakanyanyisa paakanwisa. Akaita kusvetuka kuenda mudenga ndokurova bhora nemusoro rikanwa.

“Ndaingonzwa kuti ndozvaanoita asi ndaifunga kuti kunyepa asi ndakazozvionera ndega,” vanodaro.

Costa akazvarirwa muHarare akakura achitamba nhabvu.

Muchinda uyu akaita mukumbira achitambira Masvingo United uye matambiro ake akamuona achitengwa neKS Wisla Ustroniaka yekuPoland. Chikwata ichi chakazomutengesa kuZaglebie Lubin yekuPoland zvakare iyo yaakatambira kwemakore mashanu kusvika azotengwa neSparta Prague yaari kutambira parizvino.

Mai Nhamoinesu vanoti Costa achiri mudiki, aifarira chaizvo nhabvu asi ivo vaimbomurambidza kuti atambe sezvo vaida kuti averenge mabhuku.

Vanoti vakazongosvika pakumubvumidza kutamba nhabvu mushure mekuona kuti ane tarenda rakakomba.

“Mukukura kwake, Costa aive ane hunhu hwakanaka ari mwana aiterera uye ndaigaromuudza kuti mwanangu une chipo mauri chibatisise.

“Pekutanga, ndaimurambidza kutamba nhabvu asi ndakatozoona kuti chipo chiri maari uye iye zvino nyika yose inongozvionera yega pose paanotamba anodadisa,” vanodaro Mai Nhaimoinesu.

Amai vaCosta vanoti ndivo vakave murairidzi wake wekutanga zvekuti pose paaitamba nhabvu vaimutaurira paanenge akanganisa panoda kugadzirisa kuti afambire mberi.

“Ndini ndakave murairidzi wake wekutanga, ndaiona mitambo yake yakawanda uye kana pane paikanganisa ndaimuudza kuti gadzirisa apa iye kana aenda kunotamba nhabvu aizodzoka ondiudza kuti zveshuwa amai zvamaireva paye ndizvo zvandaudzwa nemurairidzi wedu.

“Chinhu chimwe chaakanyanyobatisisa kuzvibata nekuzvipira. Uchiona matambiro ake haana hasha, munhu anoziva basa rake, haavhaire uye haatombozvirakidze kuti anotambira nhabvu kuEurope,” vanodaro amai vake vachitaridza mufaro mukuru.

Zvakadaro, vanoti Costa paakauya kwavari mugore ra2008 achivaudza kuti ave kuenda kuEurope vakaramba kuzvitambira vachifunga kuti zvimwe aivanyepera.

“Ndakatadza kudya sadza nemufaro Costa paakauya kwandiri kuzondiudza kuti amai ndave kuenda kuEurope kunotamba nhabvu.

“Asi chinhu chimwe chete chandaiziva ndechekuti Costa aishanda nesimba uye aikodzera kuenda kuEurope saka ndakafara zvakanyanyisa,” vanodaro.

Mai Nhaimoinesu vanoti vanogara vachikurudzira mwana wavo nguva nenguva kuti pashoma paanowana kuEurope abatsire vamwe vechidiki kuvasimudzira kuti vagotevera mumatsimba ake.

“Ndinotaura naye nguva dzose kuti batsira vamwe nepaunogona. Hatiwane zvedu zvakanyanya asi chishuvo chake kuti asimudzire vamwe vechidiki kuti vagokwanisa kuwana mukana waakawana wekunotambira kuEurope.

“Nguva pfupi yadarika, akandituma kuenda pane chimwe chikoro chepuraimari kunotarisa kuti chinodei agochibatsira nepaanogona,” vanodaro .

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *