‘Sando’ dzaVaChidyausiku

 Wua yakaremekedza mupepeti wekutanga wekwayedza

MUPEPETI wekutanga webepanhau reKwayedza, Dr Paul Chidyausiku, nguva yadarika vakaremekedzwa neWomen’s University in Africa (WUA) kuburikidza nekupihwa dhigirii reDr of Philosophy in Education semuchereredzo webasa guru ravabata mukusimudzira mutauro weShona pamwe nenyaya dzine chekuita nevanhukadzi.

Mumwe zvakare akawaniswa dhigirii remhando iyi ndiEngineer Gloria Sibusisiwe Magombo, vanova chamangwiza weZimbabwe Energy Regulatory Authority (ZERA) avo vakapihwa chitupa chePhD in Leadership and Management Studies mushure mekuonekwa kuti mudzimai akashinga kupinda mumabasa ayo aisitarisirwa kuti anoitwa nevanhurume chete.

Dr Chidyausiku vanoti vane mufaro mukuru nekuda kweruremekedzo rwavakapihwa neWUA.

“Aiwa, ndafara zvikuru nechiitiko chino nekuti ndakangoita zvekufutwa neveWUA. Vakauya vachiti vanoda kunzwa zveupenyu hwangu saka ndakangofunga kuti pamwe vanoda havo kunyora magazini izvo vaida kundiitira zvinofadza kudai.

“Mwari ngaavakomborere nekundirangarira kunyangwe ndakura kudai. Kune vamwe vadiki vanenge vachiti ini, ini ngandipihwe asi nhasi zvadudzirwa kuti mugoti unopihwa anyere nekuti kana ukakumbira-kumbira unogona kuzozvibikira mbodza,” vanodaro Dr Chidyausiku.

Dr Chidyausiku vanoti vari kurwadziwa zvikuru nekushaikwa kuri kuita mamwe emabhuku avakanyora muzvitoro zvemabhuku nekwaanohodwa.

“Ini hangu handidi kuti mutauro werurimi rwaamai unge uchiyeredzwa saka ndinoda kuti mabhuku angu ange achiiswa pamadande-mutande (Internet) kuitira kuti zvizvarwa zvenguva ino nezvichazotevera zvigozokwanisa kuaverenga nekuti ane dzidziso yatinoti inhaka yeupenyu.

“Ndiri kushamisika kuona mabhuku echiRungu achiwanda muzvitoro kupinda eShona, kureva kuti vanhu vachiri kuda havo kutaura chiRungu chavo nemumhuno,” vanodaro vachinyemwerera.

Vanoshorawo mamwe makambani anodhindha mabhuku vachiti anoisa mazita awo pamberi mushure mekudhinda mabhuku anenge akanyorwa nevamwe.

“Tinoona mazita evamwe vadhindi vemabhuku ari iwo ari pamberi kudarika vanyori. Rimwe dambudziko nderekuti kana uchinyora nhetembo, havadi kuti uzadze bhuku rako uri wega, vanoti sanganisai nevamwe iri nzira yekuti vaise ravo zita ivo vadhindi vachikanganwa kuti kunyora mabhuku handi nyore, kunoda njere dzakarodza uye dzisingazorori nemunhu asina hunyope. Ndiri kutarisira kuramba ndichinyora mamwe mabhuku nekuti shungu dzichiripo,” vanodaro.

Dr Chidyausiku vanoti vechidiki ngavapihwe mikana yekunyora mabhuku uye nhetembo kuitira kuti vakure vaine chipo.

Vanotizve vane vazukuru vari kuteverawo matsimba avo ekunyora mabhuku.

Mwanasikana waDr Chidyausiku, Justice Guvava, vanoti: “Tinofara zvikuru nezvatinootirwa nebaba vedu neveWUA nekuti isu vakatibereka tiri vanasikana vashanu asi vakaona kuti tose tawana dzidzo pasina rusarura. Taingobatwa zvakafanana nevanakomana.

“Ndinorwadziwa kwazvo nezviri kuitika munyika apo tinonzwa kuti vamwe vanasikana vari kuroodzwa kana kutengeswa nekuda kwekuti vabereki vanenge vachida kusunza.”

Dr Chidyausiku vakaberekwa muna 1921 uye ndivo vakave mupepeti wekutanga webepanhau reKwayedza parakavambwa nekambani yeZimpapers mugore ra1985.

Vakanyora mabhuku anosanganisira Kuyaruka komusikana (1991), Kuyaruka komukomana uye nhetembo gumi nefararira.

Zvakadaro, Eng Magombo vanoti vanofara zvikuru nekusimudzirwa semudzimai kuburikidza nekupihwa dhigirii rePhD in Leadership and Management Studies.

Mukuru weWUA, Professor Hope Cynthia Bakasa-Sadza, vanoti kusarudza kwavanoita vanhu vavanozopa maHonorary Degree kwakakosha zvikuru asi hazvisi nyore nekuti vanosarudza vanenge vakaita zvinhu zvakasiyana nezvinoitwa nevamwe.

Mupepeti weKwayedza, Patrick Shamba, mumwe wevakadarika nemumawoko aDr Chidyausiku.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *