COVID-19 chimbori chii?

Mumwedzi waZvita 2019, kunyika yeChina kwakanyuka chirwere chitsva cheCoronavirus. Chirwere ichi chakabva chatumidzwa zira rekuti COVID-19. Chirwere ichi chapararira munyika dzakawanda pasi rose. Denda iri idutu rehutachiona hwakakura zvakanyanya hunokonzeresa kurwara kunosanganisira kupindwa nechando nemamwe marwadzo akasimbisisa.

COVID-19 inopararira sei?
COVID-19 inotapuriranwa nekugumhana uye inotekeshera zviri nyore. Hutachiona hwechirwere ichi hunoparadzirwa kuburikidza nekugumhana kwevanhu nemadonhwe anobva kumunhu anacho sezvinotevera:

  • Mumhepo pakukosora
  • Kugumhana nemunhu ane hutachiona sepakumubata kana kumhoresana nemaoko
  • Kubata chinhu chine hutachiona munhu ozobata muromo, mhuno kana maziso asina kutanga ageza maoko.
  • Kugumhana nezvipfuyo kana mhuka dzemusango dziri kurwara.

 Ndinoderedza sei njodzi yekubatira COVID-19?

  • Deredza kuenda pedyo (less than 1 meter) naani zvake kunyanya anenge aine chikosoro kana dzihwa.
  • Dzivirira kugumhana nezvipfuyo kana mhuka dzemusango usino nhumbi dzekuzvidzivirira.
  • Vhara muromo nemhuno netishu kana neruoko pakukosora kana kuhotsira
  • Rega kubata maziso, mhuno nemuromo
  • Geza maoko ako nemvura nesipo achichena
  • Gara kwako woga kwemavhiki maviri kana wabva kunyika ine COVID-19 kana kuti wanga uchigara pedyo nevanhu vane chirwere ichi.
  • Rega kushanya kunzvimbo kana nyika dzine COVID-19.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *