Covid-19, masiki nemucheno

Muchaneta Chimuka
MAZUVA atiri echirwere cheCovid-19, pane zvakawanda zviri kuitika. Vanhu kugara kudzimba, vamwe varume vakavharirwa ne”lockdown” vari kudzimba dzavo kana kuma”small-house”, kuchitiwo vamwe vari kushungurudzana apo vanoswera nekurara vakadzvokorana izvo zvaisaitika apo vanhu vaifamba-famba.

Zvakawanda.

Asi pane chipfeko changopinda musitaera munguva dzino — masiki kana kuti “face mask”.

Sechinhu chinowanikwa nemunhu wose, unonzwa vamwe voti, “asina irombe”.

Zvino kana iri masiki inotoda kuti munhu wose aipfeke nekuti inyaya yeutano, upenyu kana rufu. Kurega kuipfeka kuisa utano hwako nehweruzhinji panjodzi. Mamasiki auya nepakasiyana — kana ari ekuzvigadzirira mudzimba hapana chakanaka. Zvikanzi nevamwe, “chikuru kurarama”.

Asi vamwewo vanoti chakakosha mucheno, naizvozvo masiki yacho inofanirwa kunge iine zvainotaura pamusoro pemunhu akaipfeka.

Ndokusaka mamasiki ari kuwanikwa ari pamhando dzakasiyana — evanotambura neayo ejonda dzinowana. Nemitengo yacho inosiyanawo.

Asiwo kuuya kwemamasiki nenyaya dzemucheno — kunyanya kune vaya vanoda kupoda ponda — zvinoita sezvinorwisana.

Nekuti kana munhu akapfeka masiki — zvisinei nekuti yakanaka sei — kupoda poda kwave kuvharirwa mukati.

Kana ndebvu dzakanyatsochekererwa hadzichaoneka nekuti dzinenge dziri mubutiro remasiki.

Hanzi nevamwe masiki yakanakira vaya vanoda kuviga mavende. Vamwewo voti gore rino vamwe vachaita zviso zvine ruvara ruviri nekuti munhu kuswera akazvivhara chimwe chikamu chechiso chake nemasiki zvine zvazvinotokonzeresa.

Vamwewo voti mamasiki anokanganisa kufema zvekuti mumwe anogona kupfumbirwa. Ndokusaka vachiti vanozoguma vaapfeka akarembera muhuro kunge zvinonzi ava mudzipanyota (tie).

Zvakawanda asi chokwadi ndechekuti masiki ngaipfekwe.

Zvichitevera danho rakatorwa neHurumende rinoti munhu wose anosungirwa kupfeka masiki pose paanobuda pamba pake achienda kunzvimbo yeruzhinji, chipfeko ichi chaunzawo shanduko kunyaya dzemucheno.

Nekuti kana wakapfeka masiki, kumwe kupoda kunobva kwavharirwa — nehutsvarakadenga hwobva hwavigwawo mukati mayo masiki.

Kwayedza inozvitsvaga kuti inzwe kuti zvichaita here kuti munhu apode miromo yake netsvukisa muromo (lip stick) asi iye achizozvikwidibira mumasiki?

Ko varume vanonyatsochekererwa ndebvu vari kuzvifambisawo sei mazuva ano emasiki yeCovid-19?

Amos Zungunde (30) anogara kuChitungwiza anoti kupfeka masiki inyaya yekukoshesa upenyu uye kutya kusungwanemapurisa.

“Runako nemucheno zvinotangira kumeso. Sekunge kana ndiri ini, ndinofarira kugerwa ndebvu dzangu zvechimanje-manje. Asi zvino hazvichabuda nekuda kwemasiki yandinozopfeka.

“Hazvishamise kutopesana nemunhu waunoziva ari mumasiki, kungoti tinodawo kuchengetedza upenyu ndosaka tichiapfeka,” anodaro Zungunde.

Mercy Mpofu (25), uyo anogara mumusha weZengeza 3 kwekare kuChitungwiza, anoti ava kungozora zvekupoda kumeso zvishoma kuitira kuti asazosara aine mavara kumeso nekuda kwekuti anozoisa masiki pamusoro.

“Mucheno wava kuti netsei nemamasiki aya. Kunyangwe kuisa lip stick kwava kupedza nguva nemari nekuti uchizosunga muromo wacho. Ini handichazora, ndava kungoisa paudha yekumeso shoma kana kutoregedza zvachose nekuti paunobvisa masiki unosara uine mavara. Ndoda kana ukadikitira, masiki yacho inobva yaita kunge chikorobho kusviba, “ anodaro.

Kuchiti Mbuya Soko — avo vanoti vanobudirwa neshavi renjuzu — vanotiwo vanozora tsvukisa muromo nekupoda chiso chavo chose zvisinei nekuti vanozopfeka masiki vachiti ndizvo zvinoda mudzimu.

“Kutaura chokwadi ini handikwanise kubuda mumba ndisina kupoda. Chero ndichiisa masiki, ndinototanga ndapoda uye ndinofamba ndiine zvimwe zvekupoda mukabhegi kangu kuitira kuti kana dai zvikabva, ndinoenda padivi nekagirazi ndozorazve,” vanodaro.

Vamwe ndivo vanoti vari kupfeka mamasiki anoenderana nemucheno uye nehomwe dzavo.

Ukuwo vamwe vemasaruni vave kuchema nenyaya yekushaiwa vanhu sezvo vasisiri kuenda vakawanda kunopodwa kana kutenga zvimwe zvinowedzera runako.

Kunyangwe kurukwa chaikwa vanhu vakawanda vava kusarudza kugerwa kudzimba dzavo nezvigero zvavo nekutya kunotapurirwa coronavirus. Vamwewo vave kuita izvi kuti varerukirwe pahomwe sezvo dzimwe nzvimbo dzemumikoto idzo dzavaisienda kunogadzirwa misoro nezviso dzakavharwa.

Sekuru Peter Maponda vekuChitungwiza vanoti: “Maonero angu panyaya yokuzvipenda kumeso, vamwe vanozozvinyanya kuri kusada kuonekwa kuti munhu makore ake afamba.”

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×