Covid-19: Maticha otenda President

Munyori weKwayedza
MASANGANO anomiririra varairidzi ari kupembedza danho rakatorwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa rekuti zvikoro zvivharwe nekukasika senzira yekudzivirira chiwere cheCovid-19.

Zvikoro zvaifanirwa kuvharwa nemusi wa2 Kubvumbi asi zvakazokurumidza kuvharwa nemusi weChipiri svondo rino.

Chamangwiza wesangano reZimbabwe Teachers Association (Zimta), VaSifiso Ndlovu, vanoti danho iri rakanaka zvikuru nekuti muzvikoro munogona kuita mikana yakawanda yekutapurirana Covid-19 sezvo muchigara muine ruzhinji rwevanhu.

“Zvakaitwa zvakanaka uye takapa umboo hwekuti sei zvikoro zvichifanirwa kuvharwa nekuti zvaigona kuzove mwongo panyaya yekupararira kwechirwere ichi,” vanodaro VaNdlovu.

VaDavid Dzatsunga avo vanotungamirira wesangano reCollege Lecturers Association of Zimbabwe vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere zvose zvavari kunzi vaite nenyanzvi dzezveutano mukudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

“Vanhu ngavachiona kuti havasi pedyo nepedyo. Ndipo pava kuda kushandiswa ruzivo rwechizvino-zvino rweindaneti nekushandiswa kwemavhidhiyo mukuita zvidzidzo. Chirwere ichi chinoda rutsigiro rwedu rwose pane kuti vanhu vangoita basa rekushorana. Zvinoda mushandirapamwe,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Zvakakosha kuti zvikoro zvivharwe nekuti inzvimbo dzinoungana vanhu vakawanda.”

Munyori mukuru kusangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanorumbidza danho rakatorwa neHurumende rekuti zvikoro zvivharwe.

“Tinotenda mutungamiriri wenyika nekuti takanga kutaura nezvenyaya iyi President Mnangagwa ndokutiterera. Ticharamba tichivakumbira kuti vanzwe zvimwe zvichemo zvedu nekuti zvinobatsira zvikuru vadzidzi pamwe nevarairidzi. Tichaona kuti vadzidzi vatsivirwa mazuva avo ekudzidza ayo vakarasikirwa nawo,” vanodaro.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *