Covid-19 yabata 37

Tandayi Motsi
BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoti huwandu hwevanhu vavhenekwa vakawanikwa vaine coronavirus — hutachiona hunokonzerwa chirwere cheCovid-19 — muZimbabwe hwasvika pavanhu 37.

Pavanhu ava, vana (4) vafa nekuda kwechirwere ichi kuchiti vamwe 12 vapona mushure mekunge vabatwa nacho.

Huwandu hwevane Covid-19 hwasvika pa37 zvichitevera kubatwa kwakaitwa mumwe murume ane makore 42 ekuberekwa wekuChinhoyi kuti ane chirwere ichochi.

Bazi reutano rinoti murume uyu haana nhoroondo yekumboshanya kana kusangana nemunhu ane hutachiona hwecoronavirus.

“Bazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana riri kuramba richirwa rimire mukudzivirira kupararira kweCovid-19 uye rinoda kuyeuchidza veruzhinji kuti matanho akasimba mukumisa chirwere ichi kuve nehutsanana, kupfeka masiki nguva dzose kana munhu ari paruzhinji uye kusaungana,” rinodaro muchinyorwa charo chemusi weChipiri.

Pa37 vawanikwa vaine Covid-19, Harare ndiyo ine vakawanda vanove 14, ichiteverwa neBulawayo ine 12, Mashonaland East neMashonaland West dzine vanhu vashanu padunhu rimwe nerimwe kozoti Matabeleland North ine munhu mumwe chete.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *