Covid-19 yorwiswa kumisika yefodya

Kingstone Mapupu

CHAMANGWIZA mutsva wekambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB), VaMeanwell Gudu, vanoti vakazvipira kusimudzira mabasa ekutengesa fodya munyika uye pari zvino vari mushishi yekusimbaradza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 kumisika inotengesa chirimwa ichi.

VaGudu vakatsiva Dr Andrew Matibiri avo vakaenda pamudyandigere.

“Chivimbiso changu kuti ndichashanda mukusimudzira kushanda kwakanaka kwemisika yose yefodya nezvimwe zvikamu zvatinodyidzana nazvo seTIMB. Kubva mwaka wa2021 uchitanga, kwakatorwa matanho makuru ekurwisa chirwere chanetsa ichi uye rimwe rematanho atakatora senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 kuvhura misika kunzvimbo dzinoti Karoi, Mwurwi, Bindura, Marondera neRusape,” vanodaro VaGudu.

Vanoti mukusimudzira basa rekutengeswa kwefodya, vari kutarisa donzvo regore ra2030 vakanangana nechinangwa chenyika chekuti hupfumi hunge hwava padanho repamusoro.

“Semutungamiri mutsva achangopinda, chinangwa changu kusimudzira mativi ose ane chekuita nebudiriro muchikamu chefodya uyewo nekusimbaradza chirongwa chekudyara miti inokurumidza kukura inotsiva iyo iri kutemwa nevarimi pakupisa fodya yavo kuti nyika isaite gwenga,” vanodaro VaGudu.

Zvakadai, kusvika zuva re25 kubva pavhurwa mwaka wekutengeswa kwechirimwa ichi, fodya yatengeswa inokwana makgs 83 555 443 uye ichikosha US$221 755 305.

Panguva imwe chete iyi gore rapera, fodya yaiva yatengeswa aive makgs 58 543 910 aikosha US$132, 806, 377.

Mwaka uno, mutengo wefodya wepamusoro wakasvika paUS$6,70c pakg apo wepasi uri US$0,10c pakg uye gore radarika mutengo wepamusoro waive paUS$6,60c.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×