Tyson Fury oda kurwa naChisora

TYSON Fury, uyo akanga amboenda pamudyandigere oda kudzoka achida kurwa kekupedzesera apo anoti anoda kurwa neshasha yetsiva, Dereck Chisora, uyo anova chizvarwa cheZimbabwe asi achigara kuUnited Kindgom.

Fury akati akasiya mutambo uyu zvachose asi anoda kupedza mberi yaChisora uyo ari kuzvirova dundundu uye vaviri ava vanotarisirwa kunge vachirwa musi wa26 Chikunguru.

Nekune rimwe divi, Chisora ari kuti hapana achakwanisa kupedza mbiri yake uye anoda zvakare kurwa naWladimir Klitschko muna Gumiguru apo achange achirangarira shasha yetsiva, Muhammad Ali.

Chisora anoti change chiri chisuwo chake zvakare kurwa naFury.

Musi weChitatu chadarika, Frank Warren akati hurongwa hwemutambo uyu hwakange hwave padanho repamusoro.

Mick Hennessy anova puromota waFury akati mutambo uyu uchaitwa katatu sechibvumirano chaFury naChisora.

Chisora, uyo akaita mbiri gore radarika, anoti kuti mukurumbira wake urambe uchienderera mberi ane chishuwo chekurwa naWladimir Klitschko gore rino.

Pari zvino Chisora ndiye ane mukurumbira kuEurope panyaya dzemutambo wetsiva. — Sky Sports News.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×