CULTURE DAY MUZVIKORO

  • ‘Koshesai tsika nemagariro’

ZVIKORO zviri kukurudzirwa kuti zvikoshese zvidzidzo zvetsika nemagariro sezvo zviri izvo zvinoumba hunhu hwakanaka muvana.

Kurudziro iyi yakaitwa nemukuru wechikoro cheGirls High School, muHarare, Mai Beauty Mutsambiwa pachiitiko chekupemberera zuva reCulture Day.

“Taona zvakakosha kuti tiite Culture Day apo vana vechikoro vari kuburitsa kukosha kwemunhukadzi kuburikidza nemitambo, madetembo nekubika chikafu chechivanhu icho chinosanganisira sadza remhunga, rezviyo, mahewu nezvimwe,” vakadaro Mai Mutsambiwa.

“Dingindira ratinaro gore rino riri kufambirana nemhemberero dzezuva guru reAfrica Day rekusimudzira vanhukadzi, iro rinoti ‘Empowerment and Development of African Women’. Donzvo ratiri kufambirana naro ndere kusimudzira mwanasikana kuti ange achiziva kodzero dzake pamwe nekuwaniswa mikana yakaenzana nemwanakomana munyaya yedzidzo.”

Vakakurudzira vaana kuti vashande nesimba muzvidzidzo zvavo kuti vagove neremangwana rakajeka.

“Kurudziro yangu kuvana vechikoro ndeyekuti bhuku ngarive shamwari, chikoro pamberi uye vanasikana musamhanyira kuroorwa,” vakadaro.

Aiva munyarikani pazuva iri – muimbi wemusambo weAfro-fussion, Tariro ‘Negitare’ Ruzvidzo – akatsinhira mashoko aya achiti vadzidzi vanofanira kukoshesa fundo yavo.

“Ndinokurudzirawo vanasikana kuti muite zvemabhuku, musamhanyira kuroorwa.

“Zvakanaka kuzvichengetedza nekudzidza zvakare pamwe nekuita mabasa emawoko anokupai chouviri. Ini ndiri kurarama nekuridza magitare,” akadaro Tariro.

“Tikadzidza tinokunda uye nekuderedza kuroorwa kwevanasikana vachiri mazera echidiki zvinova zvimwe zviri kukonzera

mhirizhonga muwanano sezvo munhu anenge awanikwa asati abva zera.”

 

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *