Kingstone Mapupu
MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu.
Mwanasikana uyu zita rake chairo tinaro asi tichamupa rokuti Chipo senzira yekumuchengetedza.
Amai vake vanoti vatambura nedambudziko rine mwana wavo uyu.
“Mwana wangu asvitsa makore matatu achibatwa nemweya uyu, uyo unonzi ndewezvikwambo kana kuti zvidhoma uri kubuda uchitaurawo zita rehama yedu yepedyo yechirume yekumusha. Mweya uyu unoti chijana chokuti vachiuraya munhu kuti vadye nyama yacho nevamwe vavo
yaiva yakwana, saka unoda kuuraya mwana uyu,” vanodaro.
Amai vaChipo vanoti mweya uyu ukasvika unotaura kuti kwasara nguva shoma kuti mwana wavo aurayiwe.
“Mwana uyu akangotanga kurwara makore matatu adarika, ndokumbozvimba dumbu, rikaserera. Akambonzi ane chirwere cheshuga nezvimwe zvakawanda. Nekufamba kwenguva, mweya uyu wakazotanga kubuda uchiti unoda nyama yemunhu. Ukabvunzwa kuti sei uchitaura izvi, unoti wakangochiva mwana uyu,” vanodaro.
Mwanasikana uyu anonzi haachaoni, izvo zvinofungidzirwa kuti zviri kukonzereswa nemweya uyu..
Anonziwo anonanzviwa nenyoka.
“Izvozvi mwana uyu aondoroka kusvika pokupedzisira. Anonzi ari kuyamwiwa ropa nenyoka nezvikwambo. Anoona zvinhu zvakasiyana-siyana kuhope, izvo zvinoita kuti amuke usiku achichema,” vanodaro amai vaChipo.
“Takatengesa midziyo yose nezvipfuyo, tichifamba nemwana uyu kuti timurapise, mweya uyu uchingobuda. Pari zvino haachaoni. Kufamba chaiko ndinotomubereka sezvo makumbo ake asisina simba. Ndakauya naye kuno kuHarare kuti titsvage kubatsirwa kumaporofita nekudzin’anga kana iko kuzvipatara. Mari hatisisina. Takasiya baba vacho kumusha nokuti mari yebhazi pakanga pasina.”
Muhurukuro naye, Chipo anoti paanobatwa nemweya uyu hapana zvaanoziva; anotozotaurirwa nevamwe kuti mweya uyu unotaura kuti ave kufanirwa kuchiuraiwa kuti varoyi vadye nyama yake.
“Mweya uyu unonzi unotaura kuti kune chikwata chevaroyi, varume nemadzimai, vatomirira kudya nyama yangu, avo vanonzi vanodarika makumi maviri uye vari vekwaZvimba. Ndakambozvimba dumbu, ndikarapwa, rikaserera. Izvozvi handichagoni kufamba sezvo makumbo asisina simba. Mumwedzi waNdira gore rino ndipo pandakaita bofu. Ndakangomharwa pamaziso nezvinhu zvandisina kuziva,” anodaro Chipo.
Anoti kunyangwe asisaoni, anonzwa nyoka ichipinda mumagumbeze maanorara, yomumonera kumakumbo ose kusvika muchiuno, ichimunanzva.
“Pandinomonerwa nenyoka iyi, ndinoshevedzera, amai vouya, asi vanozotaura kuti hapana nyoka yavanenge vachiona,” anodaro.
Nyanzvi yezvechivanhu, Gogo Shumba, vemuHarare, vanoti: “Zvinoda kuzvipira kwemhuri iyi, kwotsvagwa chokwadi uye mweya uri kubuda pamwanasikana uyu wosvitswa, wotaura kwaunobva nekudzoserwa kumuridzi wawo.”




