Munyori weKwayedza
ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.
Vakataura mashoko aya kuvatori venhau mushure mekupera kwemusangano wedare reCabinet nomusi weChipiri svondo rino.
Pamusoro pezvo, pane budiriro huru yaitwa inosanganisira kusungwa kwemazana nemazana evanhu vanotengesa nekushandisa zvinodhaka, kupihwa mitongo yakasiyana-siyana mumatare uye kuparadzwa kwenzvimbo dzinotengeswa zvinodhaka.
Kusvika pari zvino, vanhu 2 889 vakamiswa mumatare nemhosva dzine chekuita nezvinodhaka, apo 381 vakabatwa nemhosva.
Chikwata ichi chinosanganisira vanhu 453 vanotengesa zvinodhaka ne2 436 vanozvishandisa.
Nzvimbo kana kuti mabhesi anotengeswa zvinodhaka anosvika 31 akaparadzwa kumatunhu anosanganisira Manicaland neMashonaland West.
Nerimwe divi, vana 32 vanogara mumigwagwa vakabviswa ndokuendeswa kunzvimbo dzakachengetedzeka.
Zvinodhaka zvakatorwa zvinosanganisira crystal meth, iyo inonyanya kuzivikanwa nekunzi mutoriro, cocaine, mapiritsi anonzi ecstasy, mbanje, khat nemishonga isina kunyoreswa zviri pamutemo yakaita seBronCleer syrup.
Cabinet yakatambira gwaro riri pamusoro pezviri kuitwa kurwisa kushandiswa kwezvinodhaka reNational Drug and Substance Abuse Response, iro rakaturwa neGurukota rekudzivirirwa kwenyika, Cde Oppah Muchingri-Kashiri, vanove sachigaro weZimbabwe National Committee on Drug and Substance Abuse.
“Zimbabwe National Committee on Drug and Substance Abuse iri kufambisa hurongwa hweMulti-Sectoral Drug and Substance Abuse Plan (2024-2030), uhwo hune chinangwa chekurwisa kutorwa kwezvinodhaka muZimbabwe,” vanodaro Dr Soda.
Vanoti komiti iyi inoona nezvekufambiswa kwebasa pakati pemapazi eHurumende, vezvemutemo nemapoka akazvimirira.
Komiti iyi yakaongorora zvakare vemabhizimusi vanoita basa rekutengesa doro vanosvika 615 kumativi mana enyika nechinangwa chekuona kuti vari kutevedzera mutemo here. Vamwe 36 vakange vasina kunyoreswa zviri pamutemo vakabhadhariswa faindi, mabhizimusi avo ndokuvharwa.
Zvimwe zvirongwa zvakaitwa zvinosanganisira kupa voruzhinji chenjedzo pamusoro pekuipa kwekushandisa zvinodhaka, apo vanhu vanosvika 285 918 vakabatsirika, kutengwa kwemidziyo yekushandisa mukuongorora zvinodhaka uye kubatanidzwa kwevana vaigara mumigwagwa vanosvika 171 nemhuri dzavo.
Dr Soda vanoti pane matanho ari kutorwa kuti nharaunda dzibatsire zvizere mukurwisa dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka uye homwe yeYouth Empowerment Fund, iyo ine mari inosvika US$1 miriyoni, yakatoparurwa nechinangwa chekusimudzira raramo yevechidiki.
Vanoti Hurumende icharamba ichiona kuti mitemo yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yasimbaradzwa uye kuti vanotora zvinodhaka vawana rubatsiro rwakakodzera nechinangwa chokuti vasiyane nekatsika aka.




