Cyclone: N’anga yakapona

Kingstone Mapupu
N’ANGA yekuSouth Downs, kuChipinge, pamuganhu weZimbabwe neMozambique inoti hapana dambudziko rayakasangana nayo zvichitevera mafashamu emvura aive nedutu guru ayo akaitika kudunhu iri nguva pfupi yadarika.

Sekuru Charles Makuyana Ndunge (87), vanogara nemhuri yavo kwaMambo Makuyana.

Jabulani Ndunge (44) – uyo anove mumwe wevanakomana vaSekuru Ndunge – anoti hapana kana chinhu chimwe chete chavo chakaparadzwa zvisinei kuti vavakidzani vavo muSouth Downs vakaparadzirwa dzimba nezvimwe zvivakwa uyewo zvipfuyo zvavi zvikayeredzwai.

“Tinogara tiri vanhu 16 kusanganisira isu vanakomana 6, ivo baba nevana vedu vazukuru vavo. Tine motokari dzinodarika 100 dziri pamusha, zvitoro zviviri zvinogara zvizere magirosari, dzimba dzemabhedhuru huru mbiri, nezvimwe zvivakwa.

“Zvedu hapana chakapwanyika asi tinochema nevamwe vedu vakaparadzirwa midziyo,” anodaro Jabulani.

Anoti mugwagwa unobva pamba pavo kuenda kuChipinge uyo kwakareba makiromita 50 ndiwo wakaparadzwa uye pari zvino wave kugadzirwa.

“Pane varwere vaida kubatsirwa vaiva vabva kunzvimbo dzakasiyana vemunyika muno nevekunze vaikwana 50 avo vaiva nedzimotokari dzavo vakavharirwa pamusha pedu nemvura iyi. Vose vakapinda mudzimba vakakwana. Hapana kana mumwe chete akakuvara, vakaita mazuva mashanu tiinavo, vamwe vakatozobva pano nezuro chaiye (Chipiri chino). Vakazoita zvekuperekedzwa nevanhu vemuno kuti vawane migwagwa yekubuda nayo kunosvika kumugwagwa mukuru unoenda Harare,” anodaro Jabulani.

Jabulani anoti mbudzi dzavo 150 nemombe dzinodarika 100 hapana chakakanganiswa nemvura iyi.

“Pamhiri pedu paMupengo kana kuti Maridheya kudivi reMozambique ndiko kwakaparadzwa zvikuru,” anodaro.

Pane mashoko ekuti Sekuru Ndunge nemhuri yavo vakasara nekuda kwekuti vakaromba, inova nyaya inorambwa naJabulani achiti zvakaitika nekuda kwaMwari.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *