‘Dadai nekwamunobva’

Kingstone Mapupu
MUIMBI ari kusimukira mumusambo weSungura nenziyo dzechitendero anobva kwaMusvaire, kwaMutoko anoti veruzhinji vanofanira kudada nenzvimbo dzavanobva – zvikuru dzekumaruwa – zvisinei nemamiriro adzinenge dzakaita. Luckmore Kavhumbura (32), uyo anoimba nechikwata chake chinonzi Mayawe Yawe Stars, anoti nzvimbo imwe neimwe inoyarukira munhu ine zvayakanakira zvinobatsira mukuumba hupenyu hwake.

“Ikoko kwaMusvaire kwaMutoko kunonzi kunorira pfene ndiko kwakabva zvandiri nhasi, ndinonyora nziyo dzangu nezvandinoona.

“Izvozvi ndinopinda chechi yeRECFEMI Ministries International uko ndinoshumira ndiri. Ndinyora nziyo dzechitendero uyewo dzemunyika ndinobata zvakare, Sungura chaiyo yakasimba,” anodaro.

Muimbi uyu ane dambarefu rake idzva raakabura rinonzi Kusiyana Kwezvipo iro rine nziyo sere dzeSungura nedzechitendero.

“Dambarefu rangu iri ndakaritsikisa neTruTone Studios apo title trek kachinzi Hokoyo neNhamo, kuchitevera Chii Chandinotya kouya Kusiyana Kwezvipo, Mukadzi Akangwara, Mwari Havarase Munhu, Ndimi Baba, Ngariende Shoko naVana VaBaba,” anodaro Kavhumbura.

Anoti akakura achifarira vaimbi vanosanganisira Leonard Dembo, Tongai Moyo naAlick Macheso.

Kavhumbura anoti dambudziko rake guru nderekushaya midziyo yekuridzisa izvo zviri kudzorera basa rake kumashure zvikuru.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *