‘Dadai netsika, rurimi rwaamai’

Daphne Machiri
MUNYORI wemabhuku ari kusimukira uye zvakare nyanduri, Luckson Chezhira Chikutu-Makandire, anoti zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvidade nerurimi rwaamai pamwe netsika nemagariro evanhu vatema.

Muhurukuro neKwayedza, Chikutu-Makandire – uyo anove mutambi wemadhirama nemafirimu zvakare ari mutungamiriri wesangano reZimbabwe Traditional Unity (ZIMTU) – anoti chinangwa chavo kusimudzira mitauro yerurimi rwaamai.

“Tinoshanya kunyika dzakasiyana nechikwata changu tichiita zvirongwa zvekudzidzisana mitauro netsika nemagariro (cultural exchange programmes). Dzimwe dzenyika dzatinoshanyira dzinosanganisira United States of America, Sweden neFinland.

“Kwese uku tinoenda tichiita mitambo nerurimi rwamai,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti veruzhinji havafanire kutarisira mutauro werurimi rwaamai pasi.

“Ndinodada nerurimi rwamai nekudaro zvakakosha kuti vechidiki vange vachirwudzidziswa zvakadzama,” anodaro.

Chikutu-Makandire anoti anoshamiswa apo anoenda kune dzimwe nyika achiona zvizvarwa zveko zvichiyemura mitauro yakaita seShona kana Ndebele, iyo inotarisirwa pasi nevamwe muZimbabwe.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *