Deheny’a remusoro wemunhu rawanikwa musango

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kukumbira kuruzhinji kuti vabatsirwe kana pane angazivewo deheny’a remusoro wemunhu rakawanikwa padyo nemasango eSave Valley Conservancy.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti deheny’a iri rakawanikwa nemusi wa1 Gunyana gore rakapera.

“Deheny’a remusoro wemunhu iri rinotaridza kuti rakanga rava nenguva refu richingova musango umu uyewo parakawanikwa paisava nemutumbi kana dzimwe nhengo dzemutumbi wemunhu wacho. Semapurisa, tinokumbira kuruzhinji kune vakashaya hama yavo kuti vatibatsirewo nemashoko, vouya kuzotarisa musoro uyu kuti ndewehama yavo here,” vanodaro Insp Dhewa.

Vanoti vane mashoko angabatsire pakuzivikanwa kwedeheny’a iri kuti nderani vanokwanisa kuridzira nhare Officer In-Charge ZRP Bikita, Chief Inspector Morgan Chatikobo, panhamba dzinoti 0772 549 755 kana kutaura naInvestigating Officer, Assistant Inspector Patson Kambuya pa0773 805 612 kana kuenda pamapurisa ari padyo navo.

Vanokwanisa zvakare kuridza nhare kumapurisa anodyidzana neruzhinji panhamba dzinoti +263 392264421 kana kushandisa dzeWhatsApp dzinoti 0775 996 945.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×