DeMbare ndokuti bhora: Jaure

Abel Ndooka

MUTAMBI weDynamos FC nechikwata chenyika chemaWarriors – Partson Jaure – anoti kudzoka kwenhabvu kunofadza zvikuru sezvo mutambo uyu uriwo unounza raramo kuvatambi vazhinji.
Jaure, uyo anove kaputeni weDeMbare, anoti hupenyu hwevatambi vakawanda hwange hwakatokanganiswa nekumbomiswa kwakaitwa nhabvu kubvira gore rapera nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Anoti vatambi vaishushikana zvikuru nekungogara sezvo vange vasisina chekubata asi kudzoka kwemutambo uyu kwave kuvabatsira kuti hupenyu hwavo huchiendeka.

“Isu tinoraramiswa nenhabvu, ndicho chingwa chedu chatinodya mangwanani, masikati uye nemanheru. Saka kana nhabvu isipo tinofa nenzara.
“Hupenyu hwange huchirwadza kungogara nekuti hapana mari yatange tichiwana, zvange zvichirema. Asi nhabvu zvayadzoka manje, hupenyu hwedu hwave kuchiendeka,” anodaro Jaure.
Kudzoka kwenhabvu kuri kuona zvikwata zvemuPremier Soccer League (PSL) zvichikwikwidza mumutambo weChibuku Super Cup.

Jaure anoti mutambo uyu wakaoma zvikuru sezvo zvikwata zvose zviri kurwisana neDeMbare.
Anoti DeMbare kubva kare chikwata chihombe zvokuti mitambo yacho inenge isiri nyore sezvo zvikwata zvose zvichitsvaga mbiri pavari.

“Kana uchitambira Dynamos unofanira kunge wakazvipira kuifira nekuti chikwata ichi chihombe uye chikwata chose chinosangana nesu chinenge chichitotsvaga mbiri patiri. Mutambi wese anotoda kunzi akunda Dynamos nekuti kuti DeMbare ndokuti bhora, saka isu totofanira kugara takagadzirira.
“Mumitambo yeChibuku yatiri kutamba iye zvino haisi nyore nekuti zvimwe zvikwata zvinenge zvichida kuti tibude kuitira kuti zviwane mukana. Saka isu tiri kutofanira kushanda nesimba tivarakidze kuti tiri shasha panyaya dzenhabvu,” anodaro Jaure.

Jaure abva kure munyaya dzenhabvu izvo zvakambomuona achinotamba kuSouth Africa kuchikwata cheUniversity of Pretoria uye akambonotambira kuZambia zvekare kuchikwata cheBuildcon.
MuZimbabwe, akambotambira zvikwata zvinosanganisira Ngezi Platinum Stars neManica Diamond ndokuzodzoka kumusha kuDeMbare uko akarerwa akaita mukurumbira.

Achitaura pamusoro pemafambiro aaita munhabvu anoti, “Zvinofadza kumbonotamba kune dzimwe nyika wodzidza zvinoitwa ikoko. Ndakadzidza zvakwanda mukufamba kwandakamboita, asi iye zvino ndadzoka zvandakadzidza kunze kwenyika ndiri kuzvishandisa kubatsira vechidiki vari kusimukira mumutambo uyu vazive kuti zvofambiswa sei uye zvii zvinodiwa kuti mutambi abudirire mumutambo uyu.”

Zvakadaro, svondo rino DeMbare ichange iri pamusha apo ichasangana neHarare City mumutambo wechishanu weChibuku Super Cup.

DeMbare ndiyo iri kutungamira muboka rayo umo mune zvimwe zvikwata zvinoti CAPS United, ZPC Kariba neHerentals.

Related Posts

Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira…

Dambudziko rekuitira tsvina pose-pose rakura muguta reHarare

Muchaneta Chimuka KANZURU yeHarare yoshorwa zvikuru panhau yekusiya vashandi vayo vachibhadharisa voruzhinji US50 cents pamunhu kuti ange achipinda muchimbuzi zvisinei nokuti nzvimbo idzi dzinofanira kunge dzichishandiswa pachena. Izvi zviri kuita…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×