Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande

MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira imwe yenharembozha dzakabiwa chakasendekwa parutivi.

Murume uyu, uyo akangozivikanwa saSibanda mudare, akabatwa nemhosva yokuba achishandisa chisimba, apo mwanakomana wake, uyo makore ake okuberekwa asina kuziviswa, akabatwawo nemhosva yekugamuchira zvinhu zvakabiwa.

Vakapa mitongo ndiregional magistrate, VaPasipanodya Maturure, veWestern Commonage Courts.

Sibanda akatemerwa chirango chekugara mujeri kwemakore manomwe apo mamwe maviri akazosendekwa parutivi nechitsidzo chokuti haapari mhosva yorudzi urwu mukati memakore mashanu.

Izvi zvinoreva kuti achagara mujeri kwemakore mashanu azere.

Gibson akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore matatu, ayo akasendekwa ose parutivi kwemakore mashanu nechitsidzo chokuti haapari imwe mhosva yorudzi urwu mukati menguva iyi.

Muchuchisi, Muzvare Melissa Dube, vakaudza dare kuti nomusi wa11 Nyamavhuvhu gore rapera, nenguva dza11 manheru, Sibanda nevamwe vake vatatu, avo vasati vabatwa, vakapaza gonhi repamba paVaArzania Kamiji kuMbundane.

Chikwata ichi chakabva chadarikira kuenda kuimba inorara mumhan’ari, uko vakamuwana arere nemudzimai wake.

Dare rakaudzwa kuti Sibanda, uyo aive nemachete; nemumwe wake, uyo aive akabata chitanda, vakaudza mumhan’ari nemudzimai wake kuti vagare pasi, ndokubva vazosecha mumba umu.

“Vakavatyisidzira nerokuti vaizoita zvemhirizhonga, vachiti vaida mari. Sibanda akasecha mubhedhuru, ndokuba US$432, R100 nenharembozha mbiri,” vanodaro Muzvare Dube.

Mushure mokuba mari iyi nenharembozha, chikwata ichi chakabva chatiza kubva panzvimbo iyi.

Mumhan’ari akabva asvitsa nyaya iyi kumapurisa. Mukuferefetwa kwayo, kwakawanikwa imwe yenharembozha yaive yabiwa. Izvi zvakakwanisika kuburikidza nerubatsiro rweEconet.

Zvakabuda pachena kuti nharembozha iyi yaishandiswa naGibson, izvo zvakaita kuti asungwe.

Kuenderera mberi nekuferefetwa kwenyaya iyi kwakazoita kuti Sibanda asungwe uye kuzvuzvurudzirwa kumatare edzimhosva.

Mapurisa ari kuenderera mberi nekutsvaga vamwe vatatu vari kupomerwa mhosva yokuba vakapakata zvombo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *