Eddie Chikamhi
CHIKWATA cheDynamos chine tarisiro yekugadza murairidzi mutsva mukupera kwesvondo rino kuitira kuti vatambi vachitanga kuita gadziriro dzemwaka uri kutevera.
DeMbare svondo rino yange iri mushishi kukwezva aimbove murairidzi wechikwata ichi, Kalisto Pasuwa, kuti adzoke kuzochitungamira zvakare.
Pasuwa ndiye ari kunyanya kudiwa nevakuru-vakuru veDeMbare avo vakagadzwa svondo rapera uye ndokubva vatanga basa rekutsvaga murairidzi mutsva.
Murairidzi mutsva uyu achange achitsiva chizvarwa chekuZambia, Kelvin Kaindu, uyo akasiya aita basa guru rekubatsira DeMbare kuti isaburitswe muCastle Premier Soccer League mwaka wadarika.
Zvisinei, nyaya inogona kunetsa ndeyekuti Pasuwa achiri nekondirakiti nesangano reFootball Association of Malawi (FAM) sezvo ari kushanda semurairidzi mukuru wechikwata chenyika iyi kusvika muna Ndira gore rinouya.
Dynamos inonzi iri kuzama nepainogona kutora murairidzi uyu uye kuti ange achisiyana mune zvakanaka nevashandirwi vake veFAM.
Asi DeMbare haisati yawirirana naPasuwa maringe nemuhoro waachange achizopihwa.
Sachagaro wechikwata ichi achangobva mukugadzwa, Vincent Chawonza, anoti kutsvagwa kwemurairidzi mutsva kuri kufambira mberi uye ndokukurudzira vamwe vane chekuita neDeMbare pamwechete nevatsigiri kuti vasavhunduke zvavo.
“Ichokwadi, hurukuro dzange dzichiitwa (naPasuwa), ndinovimba hatifanirwe kunge tichitaura zvakawanda panguva ino. Tinosarudza kushanda chinyararire uye izvi ndizvo zvatange tichiita.
“Pagara paine zvimwe zvatinogona kuita. Takatambira maCVs kubva kwakasiyana pasi rose uye tinovimba kuti panozosvika musi weChishanu tinenge tapedza nenyaya yemurairidzi kuitira kuti chikwata chitange kuita gadziriro,” anodaro Chawonza.
Pasuwa akasiya aita zvinorova apo akapedzisira kurairidza Dynamos izvo zvakaona achihwinha mukombe weCastle Premier Soccer League kana kakatevedzana pakati pa2011 na2014.
Mhuri yeDeMbare yose iri kuwirirana kuti muraidzi uyu, uyo ari kudadisa zvakare kuMalawi, anokwanisa kubatsira chikwata ichi zvichitevera kutatarika kwachiri kuita.
Nerimwe divi, pane mumwe murairidzi asina kudomwa nezita wekunyika yeSerbia anonzi anogona kugadzwa semurairidzi weDyamos pamwechete nechizvarwa chekuZambia, Wedson Nyirenda.
Asi zvinotaridzika sekuti Nyirenda, uyo aimborairidza Chipolopolo, anogona kutadza kuenda kuDynamos sezvo anonzi akataura kuti anoda mari yemuhoro yakawanda kudarika yaitarisirwa nechikwata ichi.
DeMbare gore rino ine gomo guru rekukwira sezvo ichange ichidzokera zvakare kumutambo weCAF Confederation Cup.
Izvi zvinoreva kuti Dynamos inofanirwa kuve nechikwata chakasimba izvo zviri kuona ichida kutora vatambi vanosanganisira Walter Musona, Khama Billiat, Tichaona Chipunza, Michael Tapera nemubati wepagedhi Kelvin Shangiwa kubva kuScottland.
DeMbare iri kutarisira vatambi vepakati zvakare vanosanganisira Perfect Chikwende naBlessed Ndereki pamwechete nekuti kaputeni wechikwata ichi, Emmanuel Jalai, kuti arambe aripo sezvo anonzi ari kudiwa nezvikwata zvekuNorth Africa.
Kondirakiti yaJalai yakapera musi wa31 Zvita uye DeMbare iri kuda kuti mutambi uyu arambe ari kuchikwata ichi.
Dynamos iri kuda zvakare kuti pave nekondirakiti itsva nevatambi vayo vepakati vanosanganisira Shadreck Nyahwa naTemptation Chiwunga.



