DeMbare yorongera Simba Bhora

Abel Ndooka

KUNOTSVA demo kugosara mupinyi kuRufaro Stadium muHarare nemusi weMugovera uno apo shasha dzeCastle Premiership, Simba Bhora, ichasangana neDynamos FC mumutambo weCastle Challenge Cup.

Mutambo uyu ndiwo wekutanga wemwaka wa2025 uye shasha dzePSL dza2024, Simba Bhora, ichabandana neDynamos FC iyo yakahwina mukombe weChibuku Super Cup gore rapera.

Zvikwata zviviri izvi ndizvo zvichamirira nyika gore rino mumitambo yemuAfrica inoti weCAF Champions League uyo uchatambwa neSimba Bhora neCAF Confederations Cup ichatambwa neDeMbare.

Mutambo wesvondo rino, uchaona Simba Bhora ichitamba Challenge Cup kekutanga munhorondo yayo.

Uchange uri zvekare mutambo wekutanga waJoel Luphahla achirairidza chikwata ichi kubva zvaakatsiva Tonderai Ndiraya.

 Ndiraya akasiya basa achangobva kuhwina mukombe wePSL neSimba Bhora ndokuenda kunorairidza Scottland FC iyo yakapinda muPSL mwaka uno.

Luphahla achange achisangana nechikwata cheDeMbare icho aishandira mwaka wadarika ari mutevedzeri waLloyd ‘Mablanyo’ Chigowe.

Nekune rimwe divi, DeMbare ichange ichitamba muChallenge Cup mugore rechipiri rakatevedzana zvichitevera kutamba kwayakaita muna2024 apo yakasangana neNgezi Platinum iyo yakazohwina mutambo uyu.

DeMbare ichange ichitungamirirwa naMablanyo zvichitevera kutsiva kwaakaita Genesis Mangombe pachigaro chinopisa kuchikwata ichi mwaka wadarika.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *