DeMbare yoshandisa Zoom

Abel Ndooka
MURAIRIDZI weDynamos FC, Tonderayi “Stanza” Ndiraya anoti chikwata chavo chiri kushandisa dandemutande kuburikidza neZoom kuita gadziriro nevatambi vari kudzimba dzavo.

Nekuda kweCovid-19, nhabvu muno nemimwe mitambo yakasiyana yakambomiswa uye vanhu vari kukurudzirwa kuti vagare kudzimba dzavo senzira yekurwisa kupararira kwehutachiona hwecoronavirus hunokonzera chirwere ichi.

Ndiraya anoti DeMbare iri kushandisa Zoom apo vanenge vachiongorora vatambi vachiita gadziriro dzavo dzekuvaka muviri vari kudzimba.

“Nekuda kwecoronavirus hatisi kukwanisa kuungana nevatambi vedu tichiita gadziriro saka tave kuita gadziriro paZoom tichiudza vatambi zvekuita vachitoita. Asi tinoita vari muzvikwata zvakasiyana,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti zvinonetsa hazvo kuongorora vatambi vari kudzimba dzavo kuti vari kuchengetedza miviri yavo here asi vakadzika mutemo wekuti anouzouya kuzotirena muviri wake usina kumira zvakanaka apo dambudziko reCovid-19 rinenge radarika vachamubatira mari.

“Pazvese hapazoshaikwe ny’any’a dzinozviti dzakangwara asi isu takadzika mutemo unovasungirira, anouya muviri wake usina kumira zvakanaka tichamubatira mari. Mwaka uno takatenga vatambi 13 nekudaro vataive navo gore radarika vanoziva kuti zvatoshanduka saka vanofanirwa kurwa kuti vagopinda muchikwata,” anodaro Ndiraya.

Chirongwa chekuti vanhu vagare kudzimba senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19 chisati chatanga, Ndiraya akamboenda kunyika yeBelgium uko ainodzidza zvenhabvu.

Anoti akadzidza zvakawanda pamusoro pekusimudzira mutambo uyu ari kunyika iyi.

“Ndakadzidza zvakawanda kuBelgium kuti mutambo unogadzirirwa sei uye zvii zvinodiwa kuitwa kana mutambo wave kutanga.

“Ndinovimba zvandakadzidza zvichandibatsira kuti tigobudirira mumutambo uyu,” anodaro Ndiraya.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×