DeMbare zvaimomotera

Abel Ndooka

ZVIKWATA zvenhabvu zvinoti Dynamos FC neChicken Inn zvakatemerwa zvirango zvakaomarara nePremier Soccer League (PSL) nokuda kwenyaya dzakasiyana-siyana, dzinosanganisira kukonzeresa kusapera zvakanaka kwemimwe yemitambo yazvo.

Chicken Inn, iyo inozivikanwa zvakare nezita rokuti Gamecocks, yakabatwa nemhosva yekukonzeresa kuti mutambo wayo neScottland, uwo wakatora nzvimbo musi wa23 Chivabvu, utadze kupera kutambwa.

Kuchiti nerimwe divi, DeMbare yakabatwawo nemhosva yekukonzeresa kuti mutambo wayo neFC Platinum, uwo wakatambirwa kuMandava Stadium musi wa22 Chikumi, utadze kupera zvakanaka.

Naizvozvo, maGamechocks akanzi nePSL abhadhare faindi yeUS$5 000 uye zvibodzwa zvitatu zvepamutambo uyu zvakapihwa Scottland FC.

Mutambi wemaGamecocks, George Majika, akanzi abhadhare faindi yeUS$1 000 mushure mekubatwa nemhosva yekukonzeresa nyonganyonga pamutambo uyu.

DeMbare yakanzi ibhadhare faindi yeUS$5 000, murairidzi wayo Saul Chaminuka akanzi abhadharewo faindi yeUS$4 000 nokuda kwemashoko aakataura, achishoropodza varidzi vepembe pamusoro pechirango chokuti asagare pabhenji kwemitambo miviri ichatamba chikwata chake.

Zvibodzwa zvemutambo weDynamos neFC Platinum zvose zvitatu zvakapihwa kuFC Platinum, iyo yave kunzi yakahwinha mutambo uyu 3-0.

Muchinyorwa chakabva kuPSL, mutauriri wesangano iri — Kudzai Bare — anoti vanokurudzira zvikwata zvose, varairidzi nevatambi kuti vachengetedze mitemo yePSL.

“PSL inorangaridza zvikwata, vatambi nevatungamiri nezvebasa ravo rekuchengetedza mitemo yeligi. Chero chiitiko chinogona kudzikisira chimiro chemitambo kana kusvibisa zita remitambo, hazvimbogamuchirwi,” anodaro Bare.

Kutorerwa kwakaitwa DeMbare zvibodzwa zvitatu izvi kuri kuita kuti chikwata ichi chirambe chichidzikira palogo, apo chiri kurwira kuti chigorambe chiri muPSL mwaka unotevera.

Dynamos pairi palogo rePSL hapana kunaka zvachose. Ikatadza kuhwinha mitambo yasara yemuPSL, gore rinotevera inogona kutambira nhabvu yayo muDivision One.

Svondo rino, DeMbare iri kunanga kuBarbourfields, kuBulwayo, kunosangana neChicken Inn mumutambo uchatora nzvimbo musi weSvondo.

Zvikwata zviviri izvi zvichatorwa kuti zvose zviwane zvibodzwa zvitatu zvazvabva kutorerwa nePSL.

Mune mimwe mitambo yePSL iriko svondo rino, CAPS United ichange iri pamusha musi weSvondo kuRufaro apo ichasangana neHighlanders FC.

MWOS FC ichange iri kuNgoni Stadium musi weMugovera, apo ichasangana neHerentals College.

Simba Bhora iri kunanga kuSakubva Stadium kwaMutare kunotamba neManica Diamonds musi weSvondo.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×