Dembo orohwa nemuzukuru

Ashley Muchamiri
MUZUKURU wekuendeswa kudare redzimhosva naambuya vake achinzi abve pamba pavo nekuti ari kuvanetsa nekugara achivarova anoti haana kwekuenda sezvo asingazive amai vake kana hama dzake.

Pauline Dembo (68) akamhan’arira Susan Mpofu – uyo anova mwana wemwanakomana wemukoma wake – kuHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo.

“Ishe wangu, mwana uyu andinetsa zvikuru nekundishungurudza achindirova uyezve anondinongedzera achinditi, ‘Don’t talk nonsense,’” anodaro Dembo.

Anoti haachada kugara naMpofu pamba pake nekuti aneta nekutukwa nemwana waakachengeta kubva achiri nemakore maviri ekuberekwa kusvika arorwe achizodzoka kumurume.

“Ini hangu ndave kuda kuti mwana uyu abve pamba pangu semunhu mukuru. Ndaneta nekutukwa nemwana wandakachengeta kubva achiri nemakore maviri okuberekwa kusvika pari zvino apo akadzoswa kumurume,” anodaro.

Dembo anoti ndiye anobhadharira vana vaMpofu mari yechikoro nekuvabikira iye achiswera achiunza zvikomba pamba pake.

“Ndini ndinomuendesera vana kuchikoro nekuona kuti vana vadyei iye achiswera achiunza varume vakasiyana pamba pangu zvichionekwa nevana vake vadiki,” anodaro.

Anoti Mpofu akambomutorera vana vake achida kuti vaende kunogara nehama dzavo asi mumwe mwana ane makore mana ekuberekwa akabva ashungurudzwa zvine chekuita nebonde.

“Muzukuru uyu akambonditorera vana vake achiti vanogara nehama dzavo asi mumwe mwana wake ane makore mana akabva ashungurudzwa,” anodaro.

Mpofu anoudza dare kuti Dembo haana kumbobvira amuudza kuti amai vake ndevapi uye hapana kana hama yake yaanoziva nekudaro kana akabva pamba apa haana kwekuenda.

“Ambuya vanoda kuti ndibve pamba apa asi havana kumbobvira vandiudza kuti amai vangu ndevapi uye kuti hama dzangu ndedzipi kubva ndichiri mudiki,” anodaro.

Anoti haashungurudze ambuya vake.

“Ini handina kumbovashungurudza, ndakangoenda ndichivabvunza kuti sei vainyima vana chikafu asi vari ivo vakanotora vana vangu kuhama dzababa vavo vachiti vanovachengeta,” anodaro Mpofu.

Anoti ambuya vake vanomukiira gedhi repamba izvo zvinozoita kuti arare kudzimba dzevavakidzani.

“Ambuya vanondikiira gedhi rekupinda pamba ndichinorara kuvavakidzani,” anodaro Mpofu.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Dembo gwaro rerunyararo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *