‘Tarambana katatu’

Tatenda Shuro
MUMWE mukadzi anoti arambana nemurume wake kanokwana katatu asi vachizodzokerana votanga kugara vose zvakare.

Tendai Murape akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge akamhan’arira Misheck Murape achida gwaro rinomudzivirira.

“Uyu murume wangu, asi tinogaronetsana chaizvo zvekutoti iko zvino makore ati wandei uye tarambana kava kechitatu asi tichingozodzokerana,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Patinonetsana, anoti ndinokuuraya nepfuti kana kuti ndinozviuraya nevana vangu vose.

“Ndinomanikidzwa bonde uye handisisina rugare apa kushanda ndini ndinoshanda patove nemakore matanhatu ndichishandira mhuri,” anodaro Tendai.

Anoti paanoenda kubasa, murume wake anomupomera mhosva yekuita zvehunzenza izvo asingaite.

Misheck haana kuenda kudare kuti anopewo divi rake.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Tendai gwaro rinomudzivirira.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *