naCleopatra Shurugwi
Kudonzi navakuru,
Takabva neko kumhunga hakunepwa
Hanzi dzakasara dzichimera.
Kuzodzokera tose tonatsocherechedza
Ndokuona dziri tsanga
Kuzoti pano neapo
Mwanasikana akange atotamba nematope pasina mvura.
Kudoti tidzore mwanasikana asati anyanyokanganisika,
Hanzi siyayi ndidye nyika rutivi.
Ndingazofarira muguva here?
Kudoti chimira negumbo rimwe
Hanzi handisi hohwa
Ndiye nharo ngi,
Dakara azozvionera pamhino sefodya.
Kuti hupenyu hunotoda akadzikama.
Kuzoti zvino zvakwidza,
Akazenge ochema nerekuti,
Mudzimu yandifuratira
Ndaiti kufarawo ndichiri mupenyu.
Takamuti zvedu anyarare
Taimbenge tayambira akati igodo.
Haana kuziva kuti kumuruma nzeve,
Kwaive kumuda.
Mwanasikana akange zvino ozongoti,
Dai ndakaziva
Isu ndokuti haitungamiri
Ndipo pazvakazozivikwanwa iwe-e
Navatenzi vedu vave kutungamidza
Katumbu kusina baba,
Ukuwo Shuramatongo yavakushanda
Pamwe nokutonga mumuviri
Kuti kuzvibata kunokosha.
Cleopatra Shurugwi ari muForm 2 paKatsukunya Secondary School, kwaMutoko.
MAONERO:
Uku ndiko kunonzi kuruka nhetembo inorira kunge tyava charidzwa mubani kunze kwabva mukunaya. Ndisingatarise zvetumhosho twezviperengo apo neapo, ndafara nekunyora kwako Cleopatra. Unonyora zvine udzamu, asi panguva imwe chete unoita kuti vaverengi vaseke nekuda kwemazwi ako akafanana nekuti vakuru pavari kutsiura kuti “Kumhunga hakuna ipwa,” ndipo paunonzwa mhinduro ichiti, “Dzakasara dzichimera.”
Kunyora kwakadai kunoburitsa hunyanzvi hwako nekuti uri kutiita kut tione nekuzwa kuti munhu wacho ari kurairwa ane pamuromo pasingaite. Kazhinji chatinoziva ndechekuti kana mwana achiyambirwa haapindure, asi uyu ane muromo unobaya.
Asi ndafara kuti vakuru vacho vabva vati vamunyadzise nekumuudza kuti dzacho dzaari kuti ipwa, hadzisi ipwa, asi itsanga. Izvi zvaratidza kuti vakuru vanoziva zvemanyemwe kana vachizviona.
Pane zvimwe zvirevo nemimwe mitsara yako yanga ichidzosera nhetembo yako kumashure.
Mundima yekutanga, ndinofunga kuti mitsara miviri yekupedzisira yatiza kubva mumuforo wenhetembo.
Apa washandisa dimikira ratinoziva uye rinogaroshandiswa nguva zhinji zvekuti zvinoita kuti nhetembo yako isanyatsorova zvibhakera zvinorwadza chaizvo.
Izvi ndizvo zvimwe chete zvawaita nendima yechipiri pamitsara yekutanga. Zvirevo nemadimikira anenge ana “kudya nyika rutivi,” zvanyanya kushandiswa, saka pave kudawo kuti imi sananyanduri mutiratidzewo kuti munotamba nemazwi kubudikidza nekutipawo mamwe madimikira.
Zvakarewo, handina chokwadi kuti unonzwisisa zvinoreva dimikira rekuti “kumira negumbo rimwe.”
Kana munhu akamira negumbo rimwe, anenge asina nguva, anenge anonokerwa. Sakai iwe mashandisiro awaita dimikira iri apa anorasisa.
Chandifadza ndechekuti, kufanana nematangiro awaita, ndiwo mapetero awaita nhetembo yako.
Pave kuita kukandirana mashoko zvakare pakati pevari kuraira neari kurairwa. Iko zvino uye ambenge ari shasha ndiye ave kudzokera mukudemba achishandisa ruzivo rwevakuru achiti, “Dai ndakaziva.”
Vakuru vaye vaakanga asingade kuterera ndivo vabva vamupedzisira chirevo chacho, asi kwete nekuti haazive kupera kwacho, asi vave kutsinhira kukosha kwemashoko ekuti, miromo yevakuru haiwire pasi, takambokuudza.




