DETEMBA TINZWE: NDINI MUTI

Nyorai nhetembo pfupi seriri pazasi motumira ku: Nhetembo, Kwayedza Box 396 Harare kana kutumira pa-Email inoti [email protected] kana kuzosiya pamahofisi edu ari paHerald House, muHarare.
Musakanganwe zita remunyori, chikoro negwaro rake uye kana zvichiita, titumirei nekamufananidzo (passport size) kemunyori.

naElson Nyakasi

Ini ndini muti, mabasa angu akaoma

Ndinyareiwo ini muti

Nei musingandinyarewo mhuri yeZimbabwe?

Ingozi yei yandakapara isina muripo hama dzangu?

Zera nezera inga ndaingoriritira wani?

Makare angu ndaiva ndakati nenyika ino yese tekeshe.

Hama dzangu zhinji mapedza kuuraya.

Dzasara totokwazisana tiri kure nakure.

Pari papi paungandishaya,

Muzvikoro ndini mugariri.

Mapepa amunoswero nyorerana tsamba nekuverenga anobva kwandiri

Panoturikwa matenga emba unondiwana ndiri muzasi

Munhu anokudzwa nemabasa ake,

Ko angu hamuaoniwo

Hama dzangu ndinyareiwo.

Pachanyenga ehe zuva harahwa nechembere unodziwana

Dzakati wara-wara pasi pemumvuri vachihusvorogoda

Hwahwa kusvikira zviururu zvopisa.

Ndechipi chinoti kana chaneta hachimanyiri pasi pangu?

Zvino zvomopedza kundiriga muchazororera pai?

Elson Nyakasi anodzidza paNyamusese Secondary School.

Mudzidzisi: VaMabbena

MAONERO:

Inhetembo zhinji kwazvo dzakanyorwa pamusoro pemiti. Saka kana munhu afunga zvekunyora zvimwe zvitsva pamusoro pemiti, anofanira kutiudza zvisina kumbotaurwa nevamwewo. Nhetembo ino yakanaka, asi inotenderera zvakanyanya, isingati dyo, pamwoyo penyaya.

Hazvina chazvinobatsira kutanga nhetembo uchiti, “Ini ndini muti, mabasa angu akaoma.” Kana uchiti mabasa ako akaoma, tiudzeka kuoma kwawo. Unobva wapedza ndima yako yekutanga nekuti, “Ndinyareiwo ini muti.” Ko uri kuda kuti vanhu vakunyare kuti waitei?

Ndima yako yechipiri yakanaka nekuti yave kuchiedza zvino kupinda munyaya yenhetembo. Wati iwe:

Zera nezera inga ndaingoriritira wani?

Makare angu ndaiva ndakati nenyika ino yese tekeshe.

Chakanakira mitsara miviri iyi ndechekuti iri kurangaridza vanhu kuchengetwa kwavakaitwa nemiti kubva kare. Asi mutsara wekutanga uri kubva wapfuurira mberi uchiudza vanhu zvinhu zvashanduka pachishandiswa nyaudzosingwi inoburitsa kuwanda nekudekara pasina kuparadzwa. Uyewo ipapa pamitsara miviri iyi, wagona kushandisa mubvunzo usingade mhinduro.

Ndima mbiri dzinotevera wagona kudzinyora zvine hunyanzvi zvakare pawati,

Hama dzangu zhinji mapedza kuuraya.

Dzasara totokwazisana tiri kure nakure.

Washandisa chidavado chepfekedzaunhu zvekuti panzvimbo yekuti uti mapedza kutema mimwe miti mumasango, washandisa izwi rekuti “kuuraya.”

Zvino kana muti uchizvitora semunhu, ukauraya munhu, unenge watora ngozi hombe. Saka neimwe nzira uri kuudza vanhu vari kuparadza miti kuti vari kuzviparamurira ngozi. Zvakarewo, mapedzisiro awazoita pfungwa yekuurayiwa andifadza pakuti kana miti yave kukwazisana iri kure nakure, zvinobva zvanyatsoburitsa zvakajekesesa kutaramuka kwaita miti yacho, uyewo nekuparara kwaita masango.

Zvino pawazopedza ndima iyi, wabva wadzokera kumanyorero asingaburitse humhizha hwako hwemashoko. Ndima dzako mbiri dzekupedzisira dzinodzikisira nhetembo yako pasi zvikuru kana tabva pandima yandabva mukurumbidza pamusoro apo. Mitsara yanga yada kuita seinobuda zvakanaka ndeyawati,

Pachanyenga ehe zuva harahwa nechembere unodziwana

Dzakati wara-wara pasi pemumvuri vachihusvorogoda

Apa wagona kushandisa nyaudzosongwi nekunyatsosarudza mazwi anoburitsa pfungwa dzako zvakanyatsojeka. Ramba uchinyora nekuti masvingo haana kuvakwa nezuva rimwe chete.

[email protected]

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×