DETEMBA TINZWE: Tapihwa dariro

naClement Mutimwii

Takayeverwa mukombe taugamuchidzwa.

Toravirawo zviri mugapu tichine mukaka pamhuno.

Tokwira padenga remba,

Tingaregererei hedu isu maneka tapihwa.

Tabvisirwa minzwa mumugwagwa, nyore-nyore tokwanisa kufamba.

Tokwanisawo kuratidza zveduwo zvipo kunyika.

Tapihwa mukana tinotenda.

Tokwanisawo kupaumba pamusoro pedu mazwi nyika ichiteerera.

Toudzwa nyika zvakanaka nezvisakanaka

Toratidza gwara mune zvakanaka isu vechidiki.

Taendeswa kurefu pachokwadi.

 

Naizvozvo ngatishandisei mukana uyu vechidiki, nokuti

Vakuru vakati “Chawawana batisisa mudzimu haupe kaviri”

Naizvozvo vakuru vedu tinotenda nemukana uyu.

Clement Mutimwii ari muForm 4 paSciences

Nyatsime College, kuChitungwiza.

Maonero:

Uku ndiko kunyora nhetembo kwandinoda. Kunyora kwako kwakati swatu uye hakupote-pote kuchirova imbwa kwakaviga mupinyi. Musoro wenhetembo yako, wabva wangonotipinza munhetembo. Ndinofarira mavhuriro awaita kuti, “Takayeverwa mukombe taugamuchidzwa.” Ndafara nekupfuma kwakaita mutauro siri uyu nekuti mucherechedzo wekugamuchidzwa mukombe wakasimba kwazvo uye unoreva zvinhu zvakawanda. Unoratidza kuti pane vagara vachinwa vachitambidzana mukombe, asi vabva vazotambidzawo nyanduri wedu uyu. Kutambidzwa mukombe kunorevawo kuwadzana nekunzwanana nevamwe.

Kunorevawo zvakare hunhu hwetsika dzedu nemagariro. Kuchirevawo zvakare kuti wakunda, saka kupihwa mukombe kunoratiza hushasha. Chiri kunyanya kubuda munhetembo iyi kufara nekuda kwekusimudzirwa achiri mudiki kwanyanduri kuti ave nemukana wakaita saiwoyu wekudetemba.

Handizive kuti kuronga kwako iwe sanyanduri here kana kuti zvangoitika zvega, asi mutsetse wendima yako yekutanga ukatarisa uchaona kuti iri kutanga nevara /t/, asi kubva ipapo kusvika panoperera ndima yako iyi, tinongoramba tichiona ana t ivava vari ivo vari kwekutanga. Izvi zvinoita kuti nhetembo inakidze kunzwa uye zvinobatsira nhetembo yako kuti irangarirwe nevaverengi zvikuru. Pane kamhosho kandaona kakakonzerwa nekutaipa pawakati, “toudzwa nyika . . .” panzvimbo yekuti “toudza nyika . . .”

Chisiri kubuda munhetembo iyi ndechekuti chii chaicho chiri kutendwa. Mukana uri kutaurwa uyu mukana wevanhu vakaita sei? Tinongozoita zvekufungira, asi zvingadai zvakanaka dai nyanduri atiudza kuti dariro raari kufarira iri nderekuimba here, kutamba nhabvu here kana kutaura nyaya.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×