Zvakanyorwa paGrade 7 zvakabuda

KANZURU inoona nezvebvunzo munyika, yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec), svondo rino yakazivisa kuti zvakanyorwa nevadzidzi mubvunzo dzeGrade 7 gore rino zvakabuda.

Mukuru weZimsec, VaEsau Nhandara, vakati vadzidzi vakasununguka kunotora zvakabuda mubvunzo idzi kuzvikoro zvavo.

“Vadzidzi vakanyora bvunzo dzeGrade 7 vanokwanisa kunotora zvakabuda kutanga nemusi waZvita 2, 2014,” vakadaro VaNhandara.

Chikamu chevana vakapasa gore rino chiri pa38,13%, inova budiriro kana zvichienzaniswa negore rapera apo paive nechikamu che32,20%.

Kupasa uku kwaramba kuchikwira kubvira mugore ra2009. “Kupasa uku kunogona kukonzerwa nekuwaniswa kwemabhuku ekuverenga kuvadzidzi vese vepuraimari kuburikidza nechirongwa cheEducational Transition Fund icho chinotsigirwa nesangano reUnicef,” vakadaro.

Zimsec inoti vadzidzi 308 888 ndivo vakanyora bvunzo gore rino kana zvichienzaniswa ne299 673 vegore rapera.

VaNhandara vakati: “Huwandu uhwu hwakawedzera ne9 215 chinova chikamu che3.08%.

Izvi zvinogona kunge zvakakonzerwa nekuwanda kwezvikoro zviri kuvakwa kumapurazi.

Chikamu chevanasikana vakapasa chiri pa40,30% kana chichienzaniswa nechevakomana chinove 35,67%.”

VaNhandara vanoti mitauro yemuno iri pamusoro mukupaswa kana zvichienzaniswa nezvimwe zvidzidzo zvakaita seEnglish, Mathematics neGeneral Paper.

Chikamu chevana vakapasa Shona i86,03%, Ndebele 77,24%, English 46,64%, Maths 52,20 uye General Paper 45,38%. — The Herald.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×