Dinga akaparadzirwa imba

Muchaneta Chimuka
MUDZIMAI wekuChitungwiza wekuparadza imba yemapuranga nemidziyo yemukoma wemukomana wake nekuda kweshanje mushure mekunge arambwa akaigochera pahutsi zvichitevera kubatwa kwaakaitwa nemhosva nedare reko.

Belinda Denga (24) wepanhamba 2869 Unit C akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts nemhosva yekuparadza midziyo inokosha $2 398 yaBen Dinga (34) wepanhamba 2943 Unit L, kuChitungwiza kwakare uye hapana chakaburwa.

Mutongi wedare iri, Tendai Mutamba, akapa Denga chirango chekugara mujeri kwemwedzi 12 asi ndokuzomubvisira mwedzi miviri pachirango ichi nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Mimwe mwedzi mitatu yakabviswa zvakare nechitsidzo chekuti anofanira kuripira mumhan’ari $2 398 yake musi wa31 Gumiguru usati wadarika.

Mwedzi minomwe yainge yasara yakazoraswa yose Denga ndokunzi anofanira kunofondoka kwemaawa 24 paSeke 13 Primary School.

Muchuchisi Beaular Chikono akaudza dare kuti nomusi wa10 Nyamavhuvhu gore rino, Denga akaenda kumba yemapuranga yaDinga ndokuisundira pasi pamwe nekurasira kure midziyo yakaita semapamper, mafuta ekuzora nesipo.

Mufakazi panyaya iyi anova murindi, Leonard Mangowe (54), anoti Denga aiva nevamwe vanhu vashanu apo akaparadza midziyo iyi.

“Zvose zvakaitika ndichiona uye akauya achiti anoda kufikisa mumhan’ari sezvo ari mukoma wemukomana wake uye akauya nevamwe vanhu vashanu saka hapana zvandaigona kuita nekuti vaindikurira,” anodaro.

Dinga anoti akatoziviswa nemunin’ina wake kuti imba yake iyo yaiva nemidziyo yake zvakanga zvaparadzwa naDenga achibva anomhan’ara kumapurisa.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *